Vakafanobata chigaro chemutungamiriri wenyika Retired General Constantino Guvheya Dominic Nyikadzino Chiwenga vakati Zimbabwe ichazove nesarudzo dzichaitwa murunyararo uye pasina mhirizhonga.
Vachitaura pakuvhurwa kwemahofisi matsva edare repamusoro reHigh Court kwaMutare neMuvhuro, VaChiwenga vakati hurumende yainge yakatokoka nyanzvi dzekunze kuti dzizoona mafambisirwo achaitwa sarudzo idzi.
Vakati kunze kweizvi sarudzo idzi dzichaitwa mujekerere kuitira kuti zvichabuda zvinge zvisina anopokana nazvo.
VaChiwenga vakati kuvapo kwedare repamusoro iri kudunhu reManicaland kuchapa kuti mhosva dzakakodzera kuenda kudare iri dzitongwe nechimbi chimbi.
Nyaya zhinji dzaida kunzwikwa nedare iri dzaiendeswa kuHarare. Asi hurumende yave nematare kuMasvingo, uye ragara riripo kuBulawayo
Vakaudzawo mhomho yevanhu vange vari pachiitiko ichi kuti kuboka reJudicial Services Commission kana kuti JSC, kuchiri nezvimhingamupinyi zvinosanganisira kushomeka kwevashandi vakaita semamejasitiriti, nevamwe vashandi vekumadzitare izvo vavimbisa kuti zvichagadziriswa.
Mukuru wevatongi Chief Justice Luke Malaba vakati ishuviro yeJSC kuti kutongwa kwedzimhosva kuendeswe kunzvimbo uye matunhu akawanda munyika kuitira kufambisa zvakanaka uye nenguva kwenyaya idzi. Vakatiwo kunonoka kutongwa kwemhosva kwave kukonzera kuti paitwe huori.
VaPassmore Nyakureba, gweta rinoshanda nesangano rinorwira kodzero dzevanhu, vakati dare iri rauya panguva yakanaka apo nyikaa yatarisana nesarudzo.
"Nyaya yanga yanetsa ndeyemabacklogs inoitika kumater nekuti anenge akakonjesitwa nenyaya dzisingaperi asi chandinofunga chakakosha inyaya yekuti yauya tiri kuenda kumaelections. Tinoziva kuti pane maresults akaitwa contested saka zviri nyore nekuti nyaya idzi dzinenge dzave kuitirwa padhuze muno maMutare panenge pasisina chikonzero chekuenda kuHarare ichabatsira zvakanyanyisa. Nyaya dzakaita sedzecorruption dzichange dzoitwa zvakare nekuchimbidza nenyaya ye-decentralisation iri kuitwa kumatare ikyi."
VaMarco Machona, vanove mutungamiriri webato rinopikisa reThe African Democrats, TAD, vakati kuvepo kwedare iti kuchabatsira zvikuru kuti nyaya dzezeyiwe nechimbio chimbi uye zvisingadye mari yakawanda pakufamba kuenda kuHarare.
"Nyaya dziya dzaisienda kuHarare sadzaita dzinotangira kumamisha dzave kukwanisa kutongerwa kuno; paya paifambwa kuenda kure kwakaita sekuBulawayo zvinenge zvave kuitirwa muno. Vaifamba ava vaizoda zvakare pekugara ikoko kwavaenda saka zvaidhurira vanhu asi parizvino zvave nyore."
Mambo Zimunya, VaKibben Bvirindi vakatiwo mhosva dzange dzave nenguva dzakamira dzichafambiswa nekuchimbidza.
"Matambudziko emhosva muno maMutare mundunhu reManicaland dzange dzagarisa for five to six years dzinenge dzave kutongwa nekuchimbidza pane kuendeswa kuHarare saka nekuvakwa kwaitwa panoapa zvinenge zvave kufamba, uye nzvimbo inenge yave kusimuka."
Vamwe vaiva pachiitiko chekuvhurwa kwedare reHigh Court mukuru wemajeri VaParadzai Zimhondi, vakuru vemapurisa, vechiuto uye vashandi vehurumende kusanganisira gurukota redunhu reManicaland Amai Monica Mutsvangwa.
Mkuru wevatongi wematare epamusoro, Judge President Justice George Chiweshe nemamwe makurukota ehurumende ndevamwe vakapupurawo kuvhurwa kwemahofisi aya.
Facebook Forum