Accessibility links

Breaking News

Vanorwira Kodzero dzeVanhu Voshushikana neHurongwa hweHurumende hweKusora Zvinoiswa paMadandemutande


Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa
Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa

Mamwe masangano anomirira vatori venhau pamwe neanorwira kodzero dzevanhu munyika anoti haasi kufara nedanho rehurumende rekuongorora zvinonyorwa nevanhu pamadandemutande eindaneti bhiri rinoona nezvemashandisirwo emasaisai nemadandemutande reCyber Security and Data Protection Bill risati radzikwa kuve mutemo wenyika.

Mubatanidzwa wemasangano anorwira kodzero dzevanhu munyika weCrisis in Zimbabwe Coalition unoti hausi kufara nehurongwa hwekuumba chikwata chichange chichiongorora kuti veruzhinji vanenge vachitaura kuti chii pamadandemutande kana kuti pa social media.

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vakaudza bepanhau reNewsday kuti vanhu vanofanira kuisa mashoko anovaka kwete kuputsa nyika pamadandemutande avo. Hatina kukwanisa kutaura navo pamwe nemunyori mukuru mubazi ravo,VaNick Mangwana kuti tinzwe kuti mashoko avasiri kuda kuti vanhu vataure paindaneti ndeapi sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha dzavo.

Asi mutauriri weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaMarvelous Khumalo, vati danho ratorwa nehurumende iri rinokanganisa veruzhinji kuti vasataure zvavanoda vakasununguka vachiti izvi zvinotyora kodzero dzevanhu.

Mutungamiri wesangano reMedia Institute of Southern Africa muZimbabwe, VaTabani Moyo, vati danho rehurumende iri rinokanganisawo vatori venhau mukuita basa ravo vakasununguka.

Izvi zvatsinhirwawo naVaNigel Nyamutumbu avo vanoshanda nesangano reZimbabwe Union of Journalists pamwe nereMedia Alliance of Zimbabwe.

Zvichakadai, VaKhumalo vashora hurumende nekuumba chikwata ichi panguva iyo mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vasati vasaina bhiri iri kuti rive mutemo wenyika vachiti kana.

Sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition ratiwo riri kutyira kuti hurumende ichashandisa mutemo uyu kana VaMnangagwa vachinge vaisa runyoro rwavo kuti bhiri iri uve mutemo wenyika kuzombunyikidza kodzero dzevanhu zvikuru sei vanorwira kodzero dzevanhu, vatori venhau pamwe nevemapato anopikisa. Bhiri iri kana rave mutemo richange richibvumidza hurumende kuti ipote ichidongorera mumadandemutande evanhu ichiona kuti vari kutaura zvipi.

Bhiri reCyber Security and Data Protection iri rakapasiswa nedare reparamende rikazopasiswa zvakare mudare reseneti muna Chikunguru. Bhiri iri ramirira kuti mutungamiri wenyika asaine kuti rive mutemo wenyika.

Hurumende yakambosunga mutori wenhau Hopewell Chin’ono, mutungamiri webato reTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, mutauriri weMDC Alliance Muzvare Fadzayi Mahere pamwe nemutevedzeri webato rinopikisa iri VaJob Sikhala nevamwewo mushure mekuburitsa mashoko ainzi nehurumende aisvibisa zita renyika.

Nyaya ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG