Accessibility links

Breaking News

Masangano Anorwira Kodzero dzeVanhu Oshushikana neKushandiswa kweMauno neveZvematongerwo eNyika


Mauto akabatsira kubvisa vaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe pachigaro muna 2017.
Mauto akabatsira kubvisa vaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe pachigaro muna 2017.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu munyika, anoti reCrisis in Zimbabwe Coalition neZimbabwe Peace Project, anoti ari kushushikana zvikuru nenyaya yekupindira kwemauto kana kuti kushandiswa kwawo nevamwe vezvematongerwo enyika, achiti zvinokonzera kusagadzikana munyika.

Sangano reZimbabwe Peace Project mugwaro rarakaburitsa, rakashora mutauriri wemutungamiri wenyika VaGeorge Charamba, ekuti vakarwa hondo yerusununguko havasi kuzoregedza mutungamiri webato rinopikisa reMDC Alliance VaNelson Chamisa vachitungamira nyika kana vakakunda musarudzo.

VaCharamba vakanyora mashoko aya paTwitter pavanozviti @Jamwanda2.

Muna 2017, mauto eZimbabwe akapidigura hurumende yevaive mutungamiri wenyika mushakabvu VaRobert Mugabe.

Mugwaro raro remwedzi waNyamavhuvhu, sangano reZPP rinoti nhoroondo yemauto yekuramba kutambira zvinenge zvabuda musarudzo inozivikanwa nekuti yakambozviita muna 2008 pakafa vanhu vakawanda musarudzo dzechipiri kana kuti run-off.

ZPP inoti vanopikisa hadzisi mhandu uye zvabuda musarudzo zvinofanira kuremekedzwa.

Mukuru wesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica VaDewa Mavhinga mugwaro ravakanyorera Crisis in Zimbabwe Coalition vanotiwo nyaya yemauto ikasagadziriswa panogona kuita dambudziko guru musarudzo dza2023.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika Amai Oppah Muchinguru sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.

Hurukuro naVadewa Mavhinga
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG