Accessibility links

Breaking News

VaKwegura Vorumbidza Gwaro Rakanangana neHutano Hwavo Rakaparurwa muHarare


Vakwegura vanoti hurumende inenge iri kuvakanganwa

Vakwegura munyika vanoti vanorumbidza zvikuru gwaro rakaparurwa muHarare neChishanu chapera rakanangana nehutano hwavo vachiti vane tarisiro yekuti hurumende itevere zviri mugwaro iri kuitira kuti vatana munyika vakure vaine hutano hwakanaka.

Gwaro iri, iro rinonzi “The National Healthy Ageing Strategy,” ndiro rekutanga munyika rinotarisa hutano hwevakwegura.

Mumwe wevakwegura vakakurukurwa navo neStudio 7, VaJonathan Mandaza, vesangano reZimbabwe Older Person’s Organisation, vakati tarisiro yavo ndeyekuti hurumende izadzikise zviri mugwaro iri.

VaMandaza vakatiwo vanoda kuti vanhu vakuru vakure vari muutano, vakachemachemawo nekushomeka kwaanachiremba vane hunyanzvi hwekunzwisisa zvirwere zvevanhu vakura.

Mumwe mukweguru, Amai Plaxedes Tavengwa, vakaudzawo Studio 7 kuti vafadzwa nekukosheswawo kwevanhu vakura munyaya dzehutano.

Amai Tavengwa vakatiwo change chichinyanyoshungurudza vanhu vakuru kushaya mari yekurapwa kuzvipatara sezvo vaibvisiswa mari dzekutenga mishonga nekuvhenekwa.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reNational Age Network of Zimbabwe, VaMarck Chikanza, vakati gwaro iri rinovapa mukana wekupota vachibvunza hurumende zvainenge ichiita mukusimudzira hutano hwevanhu vakuru.

VaChikanza vakatiwo gwaro iri rinopa ruzivo kuvanhu vakura kuti vangawanepi rubatsiro kana hutano hwavo husina kumira zvakanaka.

Bazi rezveutano rinoti hutano hwakanaka kuvanhu vakwegura hunobatsira kuti varambe vachibatsirana nemhuri dzavo mukutsvaka raramo.

Nyaya ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG