Accessibility links

Breaking News

Makanzura Mana eMDC yaVaChamisa Anosungwa kuBindura Achipomerwa Mhosva yeKuba Chibage


Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa

Makanzura mana kuMashonaland Central kusanganisira meya weguta reBindura, VaCarlos Tokyo, vasungwa neChipiri vachipomerwa mhosva yekuba matsaga zana nemakumi mapfumbamwe echibage chinonzi chaifanirwa kugoverwa kune vanoshaya mudunhu reBindura North.

VaTokyo vanoti vachengetedzwa nematikitivha kwemaawa anodarika matatu vachibvunzurudzwa vasati vasainiswa magwaro anotsanangura mhosva yavari kupomerwa.

Vasungwa ava, avo varegedzwa vachienda kudzimba dzavo, vanotarisirwa kumiswa mudare redzimhosva chero nguva vachishevedzwa nemasamanisi.

VaTokyo, vanove zvakare kanzura wewadhi 5, kanzura vewadhi 4 VaFriday Chigwande, kanzura vewadhi 6, VaOliver Mukombwe, pamwe nakanzura vewadhi 7, VaTongai Jack, vari kuramba mhosva yavari kupomerwa iyi vachiti ivo vakabvuta chibage ichi kubva kuhutungamiri hweZanu PF uhwo vanoti hwaive husingafanirwi kugovera chibage ichi sezvo chichifanirwa kugoverwa nemakanzura, kwete nevezvematongerwo enyika.

Hofisi yemumiriri weBindura North vari veZanu PF, VaKenneth Musanhi, ndiyo inonzi yakamhan’garira makanzura aya kumapurisa.

Studio7 yakundikana kunzwa kubva kuna VaMusanhi kana vashandi vavo.

Mupurisa ari kuferefeta nyaya iyi uyo angoti anonzi Madekenende aramba kutaura nezvazvo.

Hurukuro naVaCarlos Tokyo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG