Accessibility links

Breaking News

Zvipatara Zvoramba Zvakaomerwa Sezvo Zvisina Zvikwanisiro


Mpilo Hospital Outpatients Bulawayo3
Mpilo Hospital Outpatients Bulawayo3

Kunyanga hazvo mamwe madhokotera ari kunzi ave kudzokera kubasa, zvinhu zvichiri kure nekumira zvakanaka pachipatara cheMpilo.

Muzvikamu zvinorapwa vanhu vachibva kumba zveCasualty neOutpatients paMpilo Hospital, kwange kuine mitsetse yakareba yevarwere uye vange vachitora nguva yakareba kuti vabatsirwe navana mukoti vange vari pabasa.

Mumwe murwere ari kunetsekana neitsvo, VaBrown Mbewe, vati havana kukwanisa kuwonekwa nachiremba asi vakwanisa havo kurapwa navana mukoti.

VaMbewe vachema chema nerekuti mishonga yavanofanirwa kuve nayo yanzi haipo pachipatara apa izvo zvovamanikidza kuti vanotenga kunze.

Mumwe murume ange aperekedza mudzimai wake ari kuzarirwa, VaJames Mlambo, vati vamira kwenguva refu vasati vabatsirwa vachiudzwa kunzi chiremba wavange vachifanirwa kuwonekwa naye ange achiri munzira kuuya kubasa.

Mumwe mudzimai angozvidoma nerekuti Amai Moyo uyo ange auya nemwana wake kuti azorapwa atsinhirawo kuti amira kwenguva refu asina kubatsirwa.

Chipatara cheMpilo icho chinove chipatara chikuru chechipiri munyika, china madhokotera mazana maviri nemana uye madhokotera makumi mashanu nemumwe ndivo vange vadzingwa basa kusvika pari zvino.

Mukuru wechipatara cheMpilo, VaLeonard Mabande, vaudza Studio7 kuti pana vana chiremba vanomwe vadzoka pabasa pari zvino izvo vati zvichabatsira kuti zvinhu zvidzokere pakufamba zvakanaka.

Taedza kunzwa divi remadhokotera kubva kumunyori weMpilo Doctors Association, Dr Mthabisi Bhebhe, asi vange vasingadavire nharembozha yavo.

Asi mumwe dhokotera asina kuda kudomwa nezita kana kubuda pamhepo sezvo ati anotyira hupenyu hwake, ati iye nemamwe madhokotera echidiki vepaMpilo havazi kuzodzokera kubasa kusvika hurumende yataura navo zvisina kutyisidzirana mukati.

Health Service Board yakadzinga madhokotera anosvika mazana mana nemakumi mana nemasere, munyika yose asi hurumende yakazoti yapa madhokotera ose mukana wekuti adzokere pabasa pasina mubvunzo.

Asi masangano eZimbabwe Hospital Doctors Association pamwe neSenior Hospital Doctors Association ari kuramba akatsika madziro achiti hurumende haizi kuda kutaurirana navo muzvokwadi izvo zviri kuita kuti nhengo dzemsangano aya dzisaende kumabasa.

Masangano aya anoti, pamusoro pemihoro isiri kuvakwanira, muzvipatara hamuna zvikwanisiro, mishonga nezvimwe zvinodiwa nevarwere.

Vanachiremba vakatanga kusaenda kumabasa musi wa 3 Gunyana vachiti havana mari dzekuti vakwanise kuenda kubasa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG