Accessibility links

Breaking News

Bazi rezveHutano Rinokwidza Mari dzeKurapwa muZvipatara zveHurumende


Varwere vakawanda vanonzi vachafira mudzimba vachitadza kuwana mari dzekuenda kunorapwa kuzvipatara zvehurumende.
Varwere vakawanda vanonzi vachafira mudzimba vachitadza kuwana mari dzekuenda kunorapwa kuzvipatara zvehurumende.

Varwere vakawanda vanonzi vachafira mudzimba vachitadza kuwana mari dzekuenda kunorapwa kuzvipatara zvehurumende zvichitevera danho rakatorwa nehurumende kutanga kwegore rino rekukwidza mari dzinobhadharwa nevarwere muzvipatara zvavo zvese zvemunyika.

Bazi rezvehutano nekuchengetwa kwanaka kwevana rakazivisa neChipiri nezvekukwidzwa kwemari dzinoripirwa pakurapwa muzvipatara zvehurumende kutanga musi wa 01 Ndira.

Vachinyora mugwaro rakaendeswa kuvakuru vezvipatara zvese, munyori mukuru mubazi rezvehutano, Doctor Agnes Mahovha vakati bazi ravo rakanga rasvika padanho iri richitarisawo kushupika kuri kuitwa neveruzhinji.

Mari itsva idzi dzinenge dzave kureva kuti murwere wechikuru achanoonekwa pachipatara cheParirenyatwa ave kufanirwa kubhadhara madhora mazana maviri emari yemunyika, kuchitiwo mwana ane makore ari pamusoro pemashanu ave kubhadhara madhora zana.

Varwere vachaenda kuzvipatara zvikuru zvemunyika zvakaita seHarare Central Hospital neChitungwiza Central Hospital vave kutarisirwa kubhadhara madhora zana nemakumi matanhatu, mwana ane makore ari pamusoro pemashanu achibhadharawo madhora makumi masere.

Zvipatara zvematunhu makuru, kana kuti provincial hospitals, zvave kubhadharisa madhora zana nemakumi maviri kumurwere wechikuru, kuchitiwo mwana achibhadhara madhora makumi matanhatu.

Zvipatara zvehurumende zvematunhu madiki, kana kuti district general hospitals, murwere anenge obhadhariswa madhora makumi masere, mwana ane makore ari pamusoro pemashanu achibhadhariswa madhora makumi mana.

Vakazvitakura vanosununguka vachiita zvekuvhiyiwa vanonzi vave kubhadhara madhora zviuru zviviri nemazana mashanu, kuchitiwo vanosununguka zvakanaka vachitarisirwa kubhadhara madhora mazana matanhatu muzvipatara zvepamusoro pamwe nekuParirenyatwa.

Studio 7 yakundikana kubata Doctor Mahovha kuti tinzwe zvizhinji.

Asi mukuru wesangano reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike vanoti kukwidzwa kwemari dzemuzvipatara uku kuchaomesera vakawanda sezvo ruzhinji rwusingawani mari dzacho.

VaRusike vanoti verizhinji havasi kuhora kana kutambira mari dziri kurehwa idzi kuitira kuti vanenge vachikwanisa kubhadhara kuzvipatara izvi.

"Chiremba chaiye nemari yaari kutambira, kana kuti mukoti, ma nurses nemari dzavari kutambira, havatombokwanise kubhadhara ma fees arehwa iwayo.

Hurukuro naVaItai Rusike
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Zvoreva kuti vanhu vacho vari kupa service vakaita savanamukoti vari kushanda muzvipatara izvozvo vakava nedambudziko rekurwarirwa kana kurwara iye pachezvake, haatombokwanisa kubhadhara ma fees iwayo," VaRusike vanodaro.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG