Accessibility links

Breaking News

Zvinhu Hazvina Kumira Zvakanaka muZvipatara zveHurumende


Mothers receiving postnatal care at St Luke’s Hospital,in Lupane, about 600km southwest of Harare, Zimbabwe, Nov. 20, 2014. (Sebastian Mhofu/VOA)
Mothers receiving postnatal care at St Luke’s Hospital,in Lupane, about 600km southwest of Harare, Zimbabwe, Nov. 20, 2014. (Sebastian Mhofu/VOA)

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvipatara zvehurumende sezvo vana mukoti vasiri kuita basa ravo.

Vanorwarirwa nevanorwara pachipatara cheParirenyatwa vaudza Studio7 kuti vanoshamiswa nekuunganidza vanhu kwaitwa nehurumende munzvimbo dzakasiyana-siyana munyika kuchiitwa mabiko asi varwere vachinhonga svosve nemuromo muzvipatara.

Amai Shupikai Gachitawa vane mwana akatyoka gumbo ari muchipatara cheParirenyatwa. Amai Gachitawa vanoti mwana wavo haasi kupiwa mapiritsi kana kugezwa nekuiswa mabhandiji matsva nekuda kwekushaikwa kwanamukoti.

Amai Gachitawa vati dai hurumende yanzwawo kuchema kwevanhu vayo yogadzirisa kuti ana mukoti vadzokere kubasa.

VaInnocent Mazise vanga vachibva mukuona murwere wavo vashora hurumende nekutora danho rekudzinga vana mukoti vari kuramwa mabasa. VaMazise vati hurumende inofanirwa kutarisisa zvichemo zvaana mukoti kwete kutonga nedemo.

Mumwe murume asina kuda kudomwa nezita audza Studio7 kuti mumawadhi hamusisina kushambidzika sezvo pasina vanogeza varwere kana kubvisa vanozviitira. Atiwo varwere vari kurasikirwa nehupenyu nekuda kwekushaiwa vapi vemapiritsi nemishonga nevabatsiri.

Vamwe amai vada kuzivikanwa nekuti Amai Gumbo vati vave kutoronga zvekubvisa murwere wavo muchipatara uyo wavanoti kubva musi weMuvhuro haasi kupiwa mishonga nemapiritsi kuti vanomupepera kumba.

Munyori musangano reZimbabwe Association of Doctor’s for Human Rights, VaEvans Masitara, vati zvaitwa nehurumende zvekudzinga vanamukoti zvinoshoresa, sezvo vanotambura nedanho ratorwa iri, vari varwere.

Mugwaro ravanyorera nhengo dzavo, sangano reZimbabwe Nurses Association rati vasavhundutsirwe nematanho ari kutorwa nehurumende. Gwaro iri ratiwo kuramwa mabasa kuri kuenderera mberi.

Nezuro, mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Guvheya Chiwenga, vakanyora gwaro vachidzinga vanamukoti vese vari kuramwa mabasa.

Pane vana mukoti vanodarika zviuru gumi nezvitanhatu vari kuramwa mabasa muzvipatara zvehurumende.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG