Accessibility links

Breaking News

Dare Rinombosendeka Mutongo Waro paChikumbiro chaVaHlalo Vakadzingwa muMDC-T


VaMatson Hlalo
VaMatson Hlalo

Asi munyori mukuru weMDC-T, uye vari gweta riri kumirira bato iri munyaya yaVaHlalo, VaDouglas Mwonzora, varamba mashoko aVaHlalo vachiti bato reMDC-T rine mitemo yakajeka inotevedzerwa nenhengo dzose dzinenge dzine zvichemo.

Mumwe mutongi wedare reHigh Court muBulawayo anoti achazivisa munguva inotevera mutongo wake pachikumbiro chakasvitswa kudare iri naVaMatson Hlalo, avo vakadzingwa mubato reMDC-T pamwe nekubviswa pachigaro chekuve seneta weMzilikazi anomirira bato iri.

Mushure mekunzwa neChishanu kubva kumagweta aVaHlalo pamwe neMDC-T, mutongi wedare repamusoro, Justice Nokhuthula Moyo, vati vachazozivisa mutongo wavo munguva pfupi iri kutevera.

VaHlalo vakakwidza chikumbiro chechimbi-chimbi kana kuti Urgent Application kudare reHigh Court munguva pfupi yapfuura vachida kuti dare iri rimbosendeka parutivi nyaya yekudzingwa kwavo kuve nhengo yedare reseneti uyewo kudzingwa kwavo kuve nhengo yeMDC-T.

Muchikumbiro chavo VaHlalo vakatiwo vanoda kuti dare rimbomisa bato reMDC-T kudoma mumwe munhu achavatsiva pahuseneta kusvika nyaya yavo yapera kunzwikwa nedare.

VaHlalo, avo vari kumiririrwa naVaGodfrey Nyoni, vaudza Studio7 kuti vanotarisira kuti dare richatambira chikumbiro chavo.

Pavabvunzwa kuti havafunge here kuti hazvina zvazvinonyanyobatsira kuti vaendese nyaya iri pakati pavo nebato ravo kumatare, VaHlalo vati zvakakosha kuti bato rakaita seMDC-T iro rinoti rinorwira kodzero dzevanhu, riremekedzee mutemo.

VaHlalo vati bato reMDC-T harina kutevedzera gwara rebumbiro remitemo yaro pakuvadzinga kwavakaita.

Asi munyori mukuru weMDC-T, uye vari gweta riri kumirira bato iri munyaya yaVaHlalo, VaDouglas Mwonzora, varamba mashoko aVaHlalo vachiti bato reMDC-T rine mitemo yakajeka inotevedzerwa nenhengo dzose dzinenge dzine zvichemo.

VaMwonzora vati VaHlalo vakapiwa mikana yose yange iripo yekuti vagadzirise nhunha dzavo vachitevedzera gwara rebato reMDC-T asi vakaramba kuita izvi, vachitiwo bato reMDC-T rinotarisra kuti nhengo dzaro dzitevedzere gwara remusangano.

VaMwonzora vati kunyange zvavo vasingakwanise kutaurira dare zvekuita, nyaya yaVaHlalo haifanirwe kutemesa dare musoro nekuti kune nyaya dzakawanda dzakaitika dzakafanana naidzodzo vachipa muenzaniso wekudzingwa muparamende kwevaimbove munyoro mukuru webato reMDC-T, VaTendai Biti, nevamwe vane chitsama mushure mekunge vadzingwa mubato reMDC-T.

Kusawirirana pakati paVaHlalo nebato reMDC-T kwakatanga mushure mekunge VaHlalo vaenda kumatare vachitsvaga kuti VaGift Banda vabviswe pakuve sachigaro weMDC-T weBulawayo Province, vachiti sarudzo dzehusachigaro idzi dzaive dzisina kufambiswa zvakanaka.

Asi bato reMDC-T rakatsigira kusarudzwa kwaVaBanda rikati VaHlalo vaifanirwa kugadzirisa zvichemo zvavo vachishandisa gwara rebato reMDC-T kwete kuenda kumatare edzimhosva.

VaHlalo vachiri kupikisa kusarudzwa kwaVaBanda mumatare.

Vanoziva zviri kuitika vanoti kunetsana kuri kuitika pakati paVaHlalo neMDC-T kuri kukonzerwa nekurwira masimba kuri kuitika mubato iri mudunhu reBulawayo. VaHlalo vanonzi havadiwi nemutevedzeri wemutungamiri we MDC-T, Muzvare Thokozane Khupe, avo vanonzi vari kutsigira Va Banda.

VaHlalo vanonzi vari kutsigirwa nevamwe vakuru vebato muBulawayo, avo vanonzi hvasi kutsigira zviri kuitwa naMuzvare Khupe.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG