Accessibility links

Breaking News

Vanyarikani Vosvika kuMusangano Mukuru WeICASA muZimbabwe


.
.

Gadziriro yemusangano mukuru weInternational Conference on Aids and STI's in Africa, ICASA wegumi nesere uri kutarisirwa kutanga muHarare nemusi weSvondo inonzi iri kufamba zvakana. Vamwe vanyarikani vanobva kune dzimwe nyika pasi rose vatotanga kusvika.

Vanoona nezve kufambiswa kwemashoko musangano iri, amai Tariro Makanga-Chikumbirike vanoti dzvimbo ichange ichiitirwa musangano uyu ye Harare International Conference Center iyo yange ichigadziriswa yapera.

Musangano uyu uchaparurwa zviri pamutemo nemutangamiri wenyika VaRobert Mugabe uye uchaitwa kusvika musa wa 4 Zvita.

Dingindira regore rino rinoti “Aids In Post 2015: Linking Leadership, Science And Human Rights”. Rinenge richitarisa nezveshuramatongo mushure megore ra 2015.

Amai Makanga-Chikumbirike vanoti mahotera emuguta guru reHarare mazhinji atozara uye vachatanga kushandisa dzimba nema lodges evanhu vakanyoresa kuiitira kuti vashanyi vawane pekugara pakasununguka pachange pachiitwa musangano uyu.

" Tirikufara nekuti nyika yawana mukana wekusimudzira hupfumi panguva yemusangano uyu sezvo vashanyi vachada kudya, kuwona dzvimbo dzekushanyira uko vachange vachishandisa mari dzavo," Amai Makanga-Chikumbirike vakaudza Studio7.

Zimbabwe yakawana mukana wekuita musangano uyu mwedzi mina yapfura mushure pekunge Tunisia yakundikana.

Vamwe vanorarama nehutachiwona hwe HIV/AIDS nemamwe masangano anoshanda nevanhu ava vange vachishushikana nemari dzirikudevedzerwa kuti vapinde mumisangano iyi.

Asi amai Makanga-Chikumbirike vanoti hurumende yange ichipa rubatsiro kune vakanyorera kuti vabatsirwe asi parizvino vanenge vachida kuuya kuzozeya pamusoro pehutachiwona nezvimwewo vanokwanisa kuenda kunzvimbo inonzi community village.

"Takaisa tende huru richange riine vana mazvikokota vehutachiwona hwe HIV/AIDS vanachiremba nevamwe vanorarama nehutachiwona uhwu rinozivikanwa kuti "Community Village" iro richange richipindwa pachena, kunyanya kune avo vanorarama nehutachiwona. Kumisangano ye ma plenary sessions chete ndiko kuchange kuchibhadhariswa" amai Makanga-Chikumbirike vakaudza Studio7.

Hurukuro Na Amai Tariro Makanga-Chikumbirike
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG