Accessibility links

Breaking News

Dare Rinoti MDC Alliance Ngaiitire Musangano Wayo kuMbizo Stadium, Kwekwe


City of Kwekwe
City of Kwekwe

Dare reHiigh Court rabvuma chikumbiro cheMDC Alliance chekuti iite musangano wayo mapurisa muKwekwe asinganetswe kana kurambidzwa nemapurisa.

Mutongi wedare reHigh Court, Justice Nokuthula Moyo, vati MDC Alliance inokwanisa kuenderera mberi nemusangano wayo pazuva rainoda mushure mekuzivisa mapurisa sezvakafanira uyewo kuti musangano uyu unofanirwa kuitirwa panzvimbo ine zvimbuzi.

VeMDC Alliance vaive vaita chikumbiro chechimbi-chimbi kudare reHigh Court musi weChishanu chapera mushure mekunge mapurisa arambidza kuti musangano wayaida kuita paMbizo 4 Shopping Centre muKwekwe nemusi weSvondo.

Justice Moyo vati nekubvumirana kwemapoka maviri munyaya iyi, zviri pachena kuti chikonzero chikuru chaive chaita kuti mapurisa arambidze musangano uyu kwaive kutyira kuti musangano wakadaro waigona kuwedzera kupararira kwechirwere cheTyphoid.

Vati MDC Alliance inogona kuitira musangano wayo munhandare yeMbizo Stadium.

Rimwe remagweta ange akamirira MDC Alliance, VaTonderai Chitere, vatsinhira parunhare zvaturwa nedare vakati vakamirira kuwana magwaro emutongo uyu kuti vazosvitsa kuMDC Alliance.

Mune imwewo nyaya, mumwe wevanhu vaviri vaive vakamirira MDC Alliance mukukwikwidza kuve mumiriri weBulawayo South, VaFrancis Mangwendeza, vakwira kudare reElectoral Court vachipikisa kusarudzwa kwaVaRaj Modi veZanu PF.

Gweta raVaMangwendeza, VaMatshobana Ncube, vaudza Studio7 kuti VaMangwendeza vari kutsutsumwa pamusoro pekuti pamberi pesarudzo dzemuna Chikunguru, Zimbabwe Electoral Commission yakaburitsa gwaro raive nemazita evanhu vainzi vakati havachakwikwidze musarudzo.

Zita raVaMangwendeza raivewo pagwaro iri zvisinei kuti vaive vasina kutaurira ZEC kuti havachakwikwidza.

VaNcube vati vamirira kunzwa kudare kuti nyaya yavo ichanzwikwa riinhi.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika dzinoti kupikisa zvinenge zvabuda musarudzo kupedza nguva.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG