Accessibility links

Breaking News

Dare reHigh Court Rinoti MDC Alliance Harisi Bato Riri paMutemo


Muzvare Thokozani Khupe naVaNelson Chamisa

Dare repamusoro rarasa chikumbiro cheMDC inotingamirwa naVaNelson Chamisa chekuti chikwata cheMDC chiri kutsigira Muzvare Thokozani Khupe chimbomira kudzinga nhengo dzeMDC Alliance richiti MDC Alliance harisi bato riri pamutemo.

Vachirasa chikumbiro ichi, mutongi wedare, VaTawanda Chitapi, vati MDC Alliance harisi bato riri pamutemo sezvo pasina chinoratidza kuti ibato rakaumbwa zviri pamutemo.

VaChitapi vati gwaro rakanyoreranwa nevaive mutungamiri weMDC-T, mushakabvu VaMorgan Tsvangirai nevatungamiri vemamwe mapato matanhatu ari muMDC Alliance, kana kuti Alliance Agreement, richiri benyu uye hapana humbowo hwakasvitswa kudare nebato raVaChamisa hunoratidza kuti gwaro iri rakapera kushanda pakaitwa sarudzo dzemuna 2018 sezvakasvitswa kudare nemagweta eMDC Alliance.

VaChitapi vatiwo MDC Alliance haina kana bumbiro remitemo rinoratidza kuti ibato rinogona kumiswa mumatare vachiti vakakwidza nyaya iyi kudare, havana kupa humbowo hunoburitsa pachena kuti MDC Alliance ibato rakavambwa sei.

Zvaturwa nedare zvatsinhirwa negweta raMuzvare Khupe, uye vari mutungamiri weNational Constitutional Assembly, Muzvinafundo Lovemore Madhuku.

VaMadhuku vati MDC Alliance inofanirwa kuva iri pamutemo kwete kungotaura chete izvo vati kana nyaya dzava mumatare, hapana mutongi angade kunzwa nyaya yechinhu chisipo pamutemo.

Asi mutauriri mutsva weMDC Alliance, Muzvare Fadzai Mahere, vaudza Studio7 kuti simba rehove riri mumvura kwete kumutongo waturwa nedare.

Muzvare Mahere, avo vakagadzwa naVaChamisa pabasa idzva iri neChina, vati sebato, vanoziva kuti ndivo vane vanhu nokudaro vacharamba vakamira nevatsigiri vebato ravo.

VaDouglas Mwonzora, avo vave kuzviti vakadzokera pachinzvimbo chemunyori mukuruweMDC-T zvichitevera mutongo wedare reSupreme Court wekuti VaChamisa havana kusarudzwa zviri pamutemo, vati havasi kuzongodzinga nhengo dzeparamende zvisina tsarukano.

Mutongi waVaChitapi unoreva kuti chikwata chaMuzvare Khupe chinogona kudzinga nhengo dzeparamende mudare iri dzakabva kudivi raVaTsvangirai, pamwe nenhengo dzeseneti nemakanzura akasarudzwa muzvigaro izvi achibva kuMDC yakasiyiwa naVaTsvangirai vasati vafa.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti bato reMDC rinogona kutsemuka nepakati zvakare zvichitevera mutongo wedare reSupreme Court nemutongo waturwa naVaChitapi uyu, inova mitongo iri kupa masimba kuna Muzvare Khupe kudzamara vaita kongiresi zviri pamutemo inosarudza mutungamiri mutsva.

Vose Muzvare Khupe naVaChamisa vakanzi nedare reSupreme Court makongiresi avakaita akange asiri pamutemo, nokudaro panofanirwa kuitwa kongiresi itsva inosarudza munhu anotsiva VaTsvangirai.

Asi pari zvino Muzvare Khupe vakanzi nedare vafanobata matomu sezvo vari ivo munhu akasarudzwa pakongiresi yemuna 2014 semutevedzeri waVaTsvangirai.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG