Accessibility links

Breaking News

Dare Rinoti Kunzwikwa kwePfungwa dzeVanhu Pamusoro peBhiri Rinoda Kuvandudza Bumbiro reMitemo yeNyika Ngakuenderere Mberi


Dare repamusoro rarasa chikumbiro chevamwe vagari vekuChitungwiza avo vanga vachida kuti dare reparamende rimbomira kuita misangano yeveruzhinji richinzwa pfungwa dzevanhu pamusoro pebhiri rekuvandudza bumbiro remitemo yenyika.

Mutongi wedare, VaDavid Mangota, varasa chikumbiro ichi vachiti veruzhinji vane mukana wekupa pfungwa kuparamende kuburikidza nekunyora zvavanofunga votumira kuparamende.

Mutongo uyu unotevera zvasvitswa mudare negweta resangano reChitungwiza and Manyane Residents Association, kana kuti Camera, uye vachishanda nesangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaTonderai Bhatasara, avo vati misangano iyi inofanira kumbomiswa sezvo veruzhinji vasiri kukwanisa kufamba nekuda kwemitemo yakadzikwa nemutungamiri wenyika yeCovid19 regulations.

VaBhatasara vati pasi pemirawu iyi, iyo iri kusungira kuti veruzhinji vagare mudzimba, ruzhinji rwevanhu harwukwanise kuenda kumisangano yeparamende sezvo vanhu vakawanda vasina matsamba ekufambisa mumigwagwa ayo ari kudiwa nemapurisa nemasoja ari kurambidza vanhu kufamba mumigwagwa.

VaBhatasara vati paramende haina chainoruza kana ikambomisa chirongwa chekubvunza veruzhinji nekuda kuvandudzwa kuri kuda kuitwa bumbiro remitemo yenyika.

Asi gweta reparamende panyaya iyi, VaAndrew Demo, vati paramende haingatadziswe kuita basa rayo riri pamutemo nekuda kwevanhu vashoma shoma.

VaDemo vati mitemo yeCovid19 Regulations inopa veruzhinji mukana wekupa pfungwa dzavo sezvo vachibvumirwa kuungana vasingadariki vanhu makumi mashanu panguva imwechete.

Zvaturwa naVaMangota zvatsinhirwa naVaBhatasara avo vati vamirira kunzwa kune veCamera kuti votora matanho api.

VaDemo vati vafara zvikuru nemutongo waturwa nedare.

Zvichakadai, mutauriri weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaMarvelous Khumalo, vati pfungwa dzichanzwikwa ipfungwa dzevanhu vashoma chete kubudikidza nemutongo waturwa nedare repamusoro.

Komiti yeparamende yakatotanga kuenda kune dzimwe nzvimbo munyika ichinzwa pfungwa dzevanhu pamusoro pebhiri iri iro riri kudaidzwa kuti Constitutional Amendment Bill Number 2.

Bhiri iri riri kubata nyaya dzakawanda dzinosanganisira kupinzwa basa kwevatongi, muchuchisi mukuru wehurumende pamwe nekusarudzwa kwevatevedzeri vemutungamiri wenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG