Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weTransform Zimbabwe, VaNgarivhume, Vanonyimwa Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso neDare Repamusoro


Mutori wenhau Hopewell Chin'ono pamwe nemutungamiri weTransform Zimbabwe VaJacob Ngarivhume vari kupomerwa mhosva yekurudzira vanhu kuti varatidzire zvine mhirizhonga.
Mutori wenhau Hopewell Chin'ono pamwe nemutungamiri weTransform Zimbabwe VaJacob Ngarivhume vari kupomerwa mhosva yekurudzira vanhu kuti varatidzire zvine mhirizhonga.

Mutungamiri webato rinopikisa reTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, avo vakange vashevedzera kuti munyika muratidzirwe svondo rapera, vanyimwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso nedare repamusoro pamhosva yavari kupomerwa yekukurudzira veruzhinji kuti varatidzire zvine mhirizhonga mukati.

Vachitura mutongo wavo pachikumbiro chaVaNgarivhume chekuti vatongwe vachibva kumba kwavo zvichitevera kunyimwa kwavakaitwa mukana uyu nedare ramejasitiriti, mutongi wedare repamusoro VaTawanda Chitapi, vati Ngarivhume havana kusvitsa zvikonzero zvinonwisa mvura zvinoita kuti vapihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso.

Zvaturwa nedare zvatsinhirwa negweta raVaNgarivhume, VaMoses Nkomo.

VaNgarivhume vakanyora padandemutande ravo reTwitter vachikurudzira mhirizhonga mukuratidzira kwavakange vashedzera kuti kuitwe munyika musi wa31 Chikunguru pasi peboka ravari kudaidza kuti July 31st Movement iro rinoti harisi kufara nehuori hwarinoti hwatekeshera muhurumende.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatshwayo, vati kunyimwa kwaita VaNgarivhume mukana wekubhadhara mari yechibatiso pamhosva yavari kupomerwa kunoratidza kuti Zimbabwe yave kutongwa pachigandanga.

Zvichakadai, mutori wenhau Hopewell Chin’ono uyo akanyimwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso nedare repamusoro nemusi weChina dare richiti hapana zvaakasvitsa kudare zvinoratidza kuti mutongi wedare ramejasitiriti akakanganisa kutonga paakamunyika mukana wekutongwa achibva kumba kwame pamhosva yaari kupomerwa yekukurudzira veruzhinji kuti varatidzire zvine mhirizhonga, anga ari mudare ramejasitiriti zvakare neChishanu.

Gweta rake, Amai Beatrice Mtetwa, vanga vachida kusvitsa chikumbiro kuna mejasitiriti VaNgoni Nduna chekuti apihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso sezvo vachiti pane zvashanduka kubva paakambonyimwa mukana uyu asi muchuchisi wenyaya iyi, VaWhisper Mabhaudhi, vati vanga vasina kuziviswa.

Izvi zvatsinhirwa nerimwe gweta raChin’ono, VaGift Mtisi.

Nyaya yaChin’ono yakayarisirwa kudzoka mudare ramejasitiriti neChitatu svondo rinouya mushure mezororo remagamba.

Kusungwa kwaNgarivhume naChin’ono kwakonzera mutauro pasi rose zvaita kuti mutungamiri weSouth Africa VaCyril Ramaphosa vatumire nhume kuZimbabwe kuzoona zviri kuitika munyika munyika. Masangano anorwira kodzero dzevanhu ari kupopota nekunze rumwe rutivi achiti hurumende yeZimbabwe yanyanya kutyora kodzero dzevanhu.

Asi hurumende pamwe nebato reZanu PF vanoti hapana chakaipa chavari kuita.

Nyaya ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG