Accessibility links

Breaking News

VaChombo Vomirira Kunzwa Mutongo paChikumbiro Chekuti Vabvisiswe Chibatiso


 ZVaive gurukota rezvemari VaIgnatius Chombo, vaina VaKudzanai Chipanga vachibuda mudare mwedzi wapera
ZVaive gurukota rezvemari VaIgnatius Chombo, vaina VaKudzanai Chipanga vachibuda mudare mwedzi wapera

Mutongi wedare repamusoro remuHarare nhasi aisa gweta rehurumende parumananzombe nenyaya yekuti vaimbova gurukota rezvemari VaIgnatius Chombo vakanga vamiswa pamberi pedare zviri pamutemo here kana kuti kwete.

Izvi zvinotevera kupambwa kwavanonzi vakaitwa nemasoja paakatora masimba ehurumende yevaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe mwedzi wapera.

Muchuchisi wenyaya iri kupomerwa VaChombo, VaEdmore Nyazamba, nhasi vatambiswa nhova nemutongi wedare repamusoro Amai Edith Mushore avo vanga vachida kunzwisisa maunzirwo akaitwa VaChombo kudare redzimhosva.

Izvi zvinotevera nyaya yakwidzwa mudare negweta raVaChombo VaLovemore Madhuku, ekuti musungwa akawunzwa kudare maawa makumi mana nemasere akatarwa mubumbiro remitemo adarika zvichitevera kupambwa kwaakaitwa nemasoja musi wa15 Mbudzi.

VaNyazamba vadzambadzamba vachipindura mubvunzo uyu. Vambotanga nekuti VaChombo vakange vapambwa nevanhu vasingazivikanwe kuti ndivanani, vakazoti vakanga vakahwanda vakazopedzisira voti vakanga vasingazivikanwe kwavaive pavaitsvagwa nemapurisa kubva musi wavanoti vakapambwa nemasoja.

VaMadhuku vatsinhira kuti vasvitsa chikumbiro chekuti VaChombo vaburitswe muhusungwa pasina kana kumbotaurwa nyaya yemari yechibatiso sezvo vachiti vakamiswa pamberi pedare ramejasitirti zvisiri pamutemo svondo rapera apo pavakanyimwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso.

VaMadhuku vatiwo mutongi wedare ramejasitiriti akanyima VaChombo mukana wekubhadhara mari yechibatiso akatura mutongo usingakodzere paakavanyima mukana wekubhadhara mari yechibatiso.

Mutongi wedare ati achatura mutongo wake nhasi masikati munguva yaasina kutara sezvo ari kutarisirwa kunzwa chimwe chikumbiro kubva kuna VaKudzanayi Chipanga avo vaimbove mukuru weboka revechidiki muZanu PF vasati vadzingwa mubato iri.

VaChombo vari kupomerwa mhosva yekuita huori mukutenga kwavanonzi vakaita imba yavo yeku Glen Lorne muno muHarare uye vanonzi vakashandisa masimba avo zvisirizvo kutora mari kubhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe.

Nekune rumwe rutivi, VaChipanga vari kupomerwa mhosva yekuzvidza mauto zvichitevera mashoko avakaburitsa vachishora mukuru wemauto VaConstantino Chiwenga, avo vakange vazivisa kuti masoja aizopindira kana makakatanwa aiva mubato reZanu PF akasvika pakawomarara.

Masoja akazopindirawo sekutaura kwaakaita zvakazoita kuti vaimbove mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vasiye chigaro.

Nyaya ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG