Chiremba vane huyanzvi nechirwere che high blood pressure, Dr Golden Fana, vanoti veruzhinji vanofanirwa kuwongororwa chirwere ichi kuitira kuti vaende pamishonga kana kusandura mararamiro chirwere ichi chisati chakomba.
Doctor Fana vanoti vazhinji vanorasikirwa nehupenyu vasingazive kuti vane chirwere ichi sezvo chisingaratidze sezvinoita zvimwe zvirwere.
Dr Fana vanoti zvinhu zvakaita sekuputa fodya nekunwa doro zvakapfurikidza nekushandisa sauti yakawanda zvimwe zvezvinhu zvinokwanisa kukonzera kukwira kweHBP.
Vanoti veruzhinji vanofanirwa kuita zvinhu zvinoita kuti muviri usimbe sekufamba kana kumhanya uchitwasanudza mutezo sezvo izvi zvichibatsira kune avo vanenge vaine chirwere ichi.
Dr Fana vanoti vanhu ngavadye kudya kusina kuwanda mafuta kuitira kuti vasawirwe nedambudziko rechirwere ichi.
Dr Fana vaenderera mberi vachiti vazhinji vane chirwere ichi vanochiwana kubva mudzinza sezvo vanenge vane ma genes ane chirwere ichi vachizokwanisa kuzochiwana munhuri yavo.
Dr Fana vanoti chikuru kuvhenekwa nguva ichiripo kuitira kuti vanofanirwa kuenda pamushonga vaite izvi nechimbi chimbi chirwere chisati chakomba.