Accessibility links

Breaking News

Vakaremara Voshushikana neKusamira Zvakanaka paOrthopedic Centre


David Parirenyatwa
David Parirenyatwa

Vakaremera vanoti hurumende inofanirwa kutsvaga mari yekupa nzvimbo yeOrthopedic Centre yepa Parirenyatwa kuitira kuti ikwanise kutenga zvekugadzirisa bhutsu nemakumbo anoshandiswa nevakaremara. Nzvimbo iyi yava nenguva inodarika gore isiri kuita basa rainofanirwa kuita.

PaOrthopedic Centre ndipo panogadzirwa bhutsu, makumbo nezvimwe zvakasiyana siyana zvinoshandiswa nevakaremara pakufamba.

Vakaremara ava vanenge vachibva kunzvimbo dzakasiyana siyana, kunyanya kumaruwa, vachida kugadzirirwa zvinhu zvavo.

Kubva gore rapera vashandi vepo vakangogara sezvo pasina matehwe anosoneswa bhutsu, simbi dzakabatanidzwa nehunyanzvi dzinobata mitezo inenge isina simba nezvinogadziriswa makumbo evanenge vakadimuka makumbo.

Vashandi vepa Orthopedic Centre vasina kuda kudomwa mazita avo vanoti vave nenguva vachiudzwa kuti hapana mari yekutenga zvekushandisa. Vanotiwo michina mikuru yekusonesa matehwe yakatomboita mwedzi misere yabatirwa nevaigadzira, pashayikwa madhora mazana maviri ekuitsikinura.

VaChris Samuel Makisi Kofi, avo vane makore mukumi mana nematanhatu ekuberekwa, mugari wemumusha weMukucha kuMagunje. Vakaremara makumbo ese uye vanofamba nemadondoro.

VaKofi vanoti vakaremara vekunzvimbo dzakaita seMagunje, Mudzimu, Dandawa, Rengwe neTengwe musimbe vave kutogwesha nepamusoro pekushaya zvekuvabatsirisa pakufamba.

VaKofi vanoti vabereki vari kuomerwa zvikuru nekuti vana vavo havasi kugadzirirwa bhutsu dzekufambisa, kana makumbo kune vanenge vakadimuka makumbo.

Amai Praxedes Chadambura vekwa Chitida kuHwedza vakaremara makumbo ese uye vanofamba nemadondoro, pamwe ne wheel chair.

Amai Chadambura vanoti zvinhu zvinosvika pakuipa nekuti vakaremara havasi kubatwa sevanhu mumamisha.

VaSydney Chitsiwa, avo vane makore makumi maviri nemashanu ekuberekwa, vanogara kumabvuku muHarare. Vakaremara makumbo ese. Vanoti pari zvino vari kutoshandisa wheel chair nekuda kwekutadza kugadzirirwa bhutsu neve pa Orthopedic Centre.

VaClaver Mukazi vakaremara makumbo ese uye vanoshandisa madondoro. Vanoti vaimbogadzirirwa bhutsu pa Orthopedic Centre asi iye zvino vakatosiyana nazvo.

VaTapfuma Gutsa, avo vanozivikanwa pasi rose pamusoro pehumhizha hwekuveza matombo nekunyora mifananidzo, vanoti vakaremara vanofanira kuzvimiririra kuitira kuti matambudziko akaita seari pa orthopedic centre agadziriswe.

Gurukota rinoona nezvehutano nekurerwa kwakanaka kwevana, Dr. David Parirenyatwa, vanoti hurumende iri kutora matanho ekugadzirisa dambudziko repaOrthopedic Centre nekuderedzwa kwemutengo wekugadzirisa zvinoshandiswa nevakaremara.

VaParirenyatwa vanoti vachaisa chikumbiro mudare reparamende kuti pave nemutemo unosimbisisa kuti zvinoshandiswa nevakaremara zvisa shaikwe zvachose munyika.

Kudzamara zviri kutaurwa naVaParirenyatwa zvaitwa, vakaremara saVaKofi nevamwe vavo, vacharamba vachishupika vachishaya zvinhu zvavanoda kushandisa.

Nyaya Ina Safari Njema
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG