Sangano reZimbabwe Hospital Doctors Association rinoti kutanga neMuvhuro vana chiremba muzvipatara zvose zvehurumende vachatanga kuramwa mabasa sezvo nhaurirano nehurumende panyaya yemari yemihoro nemashandiro avo dzakundikana zvachose.
Vana chiremba ava vanoti vari kuda kuti mari yawo yemuhoro kana kuti basic salary iwedzerwe kubva pamazana maviri nemakumi manomwe ane madhora maviri kusvika pachuru nemazana maviri emadhora pamwedzi.
Vana chiremba ava vanotiwo hurumende haisi kuvapa zvekuvadzivirira kubva kuzvirwere zvakaita se Ebola nerurindi.
Mukutanga kwemwedzi waGumiguru, vana chiremba vakambokanda mapadza pasi nenyaya imwe cheteyo vakazopa hurumende masvondo maviri ekuti vagadzirise zvichemo zvavo asi zvinenge zvakona n’anga murapwa achida.
Mutungamiri wesangano reZimbabwe Hospital Doctors Association, Dr Fortune Nyamande, vanoti vachadzoka kubasa chete kana hurumende yanyorerana navo pasi chibvumirano.
Mashoko ekuti vana chiremba havana zvekuzvidzivirira kubva kuEbola arambwa negurukota rezvehutano, Dr David Parirenyatwa, avo vati nyika yakagadzirira.
Vachipindura kune zviri kutaurwa navana chiremba izvi, VaParirenyatwa vati vange vakasungikana kutaura zvakawanda asi vati nhaurirano dziri kuenderera mberi.