Accessibility links

Breaking News

Chirwere cheTyphoid Choramba Chichiuraya Vanhu muNyika


Kudya michero nemiriwo inenge isina kubatwa neutsanana ndeimwe yenzira dzinonzi dzinokonzeresa chirwere che typhoid.
Kudya michero nemiriwo inenge isina kubatwa neutsanana ndeimwe yenzira dzinonzi dzinokonzeresa chirwere che typhoid.

Hupenyu huri kuramba huchirasika munyika nekuda kwechirwere cheTyphoid icho nguva nenguva chinonyuka mumadhorobha akasiyana siyana.

Pari zvino vanhu vanosvika vanomwe vanonzi vakashaya muGweru nechirwere ichi uye muguta reMasvingo kune vanhu vaviri vakabatwa nacho.

Chirwere cheTyphoid chinokonzerwa nehutachiwana hunonzi Salmonella Typhi. Munyori musangano reZimbabwe Doctor’s for Human Rights, Doctor Evans Masitara vanoti chirwere cheTyphoid chinopararira kuburikidza nemvura uye zvekudya zvinenge zviine tsvina yemunhu anenge ane chirwere ichi.

Doctor Masitara vanoti kana chirwere ichi chabata munhu chinoonekwa nezvinhu zvakadai semudumbu ,kutemwa nemusoro kana kupisa kwemuviri.

Vanoti zvinoshungurudza kuti chirwere ichi chiri kuramba chichitora hupenyu hwevanhu, vachipa mhosva kumakanzuru ayo vanoti haasi kupa mvura yakachena kuvagari zvisinei nekuti vagari vanobhadharira mvura iyi.

Doctor Masitara vanotiwo kunyangwe hazvo chirwere ichi chichirapika, chinoda kukurumidzirwa sezvo kana munhu anobatwa nechirwere ichi akanonokerwa hupenyu hunorasika.

Mukuru weGweru Residents and Rate Payer’s Association, VaSelipiwe Cornilia vaudzawo Studio 7 kuti kunyangwe zvakakosha kuti vagari vawane mvura yakachena, vakurudzirawo kuti veruzhinji vaite hutsanana kudzivirira chirwere ichi.

VaCornilia vaudza Studio 7 kuti Sangano ravo ratanga zvirongwa muGweru zvekudzidzisa veruzhinji hutsanana pamwe nezvavangaita kudzivirira chirwere ichi, zvinosanganisira kugeza maoko nezvinodyiwa zvisina kubikwa.

Mumagwaro avakabudisa, vebazi rezveutano vanoti mvura ine tsvina ndiyo iri kunyanyokonzera chirwere ichi munyika, vakatiwo zvimwe zviri kukonzera kupararira kwechirwere ichi miriwo inodyiwa isina kubikwa pamwe nemukaka nezvinogadzirwa nemukaka.

Bazi rezveutano rakatiwo vagari vazhinji vanotapurira chirwere ichi vasati vamboratidza kuti vanorwara neTyphoid.

Bazi rezveutano riri kukurudzirawo hutsanana munyika, kugeza maoko kana munhu abva kuchimbuzi, kuti vanhu vasabatana maoko pakaunganiwa pamwe nekunwa mvura yakafashaidzwa.

Bazi iri rinoti zvimwewo zvingaitwa kushandisa zvimbuzi nguva dzese, kubika zvekudya zvichiibva zvakakwana pamwe nekusatenga zvinhu zvinotengeserwa mumigwagwa.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi remakanzuru panyaya iyi kuti sei ari kukundikana kuwanisa vagari mvura yakachena ivo vachibhadhara mari dzavo.

Nyaya ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG