Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vanomwe Vanobatwa neTyphoid muHarare


Mukuru webazi rezvehutano mukanzuru yeHarare, Dr Prosper Chonzi, vanoti vanhu vanomwe vakabatwa nechirwere che typhoid muguta iri munzvimbo dzinogara vazhinji.

Mukuru webazi rezvehutano mukanzuru yeHarare, Dr Prosper Chonzi, vanoti vanhu vanomwe vakabatwa nechirwere che typhoid muguta iri munzvimbo dzinogara veruzhinji.

Dr Chonzi vanoti kanzuru iri kutora matanho akawanda kuitira kuti chirwere ichi chisapararire muguta iri.

Dr chonzi vanoti vanhu vanenge vachinzwa zvinhu zvakaita semudumbu kuchaya, kupisa muviri, nekutemwa nemusoro ngavaende kuzvipatara kana makirinika ari pedyo navo kunovheneka sezvo typhoid ichitapurirana.

Chirwere ichi chinokonzerwa nekunwa mvura ine tsvina uye nekusaita hutsanana.

"Munhu anenge afunga kuti angangove nechirwere ichi ngaabva aenda kuclinic kana kuchipatara nekuti chirwere ichi chinotapuriranwa uye zvakakosha kuti chirapwe chisati chakomba," Dr Chonzi vaudza Studio7.

Dr Chonzi vanoti vabereki vanofanirwa kutarisa vana vavo kuti havasi kupisa miviri here, kuchaya, nezvimwewo sezvo chirwere ichi chichinyanya kubata vana vadiki asi vazhinji havazoziva kuti chirwere che typhoid kusvika zvinhu zvaipa.

XS
SM
MD
LG