Vamwe vanorwara nechirwere cheitsvo vanoti hurumende inofanirwa kuona zvaingaite kuti mari inobhadharwa muzvipatara zvehurumende pakurapwa nenzira ye dialysis ideredzwe. Mutori wedu wenhau Taurai Shava anotipa nyaya inotevera.
Kurudziro iyi yaitwa pachiitiko chekucherechedza zuva reWorld Kidney Day paMpilo Central Hospital muBulawayo nhasi.
Muzvare Christine Ndlovu avo vane makore makumi maviri namaviri ndemumwe wevanhu vanorwara nechirwere cheitsvo uye vakatanga kurapwa nenzira yedialysis makore maviri apfuura.
Muzvare Ndlovu vanoti vanofanirwa kugezwa ropa ravo nemuchina wedialysis katatu pasvondo asi vanongogezwa kaviri chete nekuda kwedambudziko rekushaya mari.
Vanoti dai pasina tsiye nyoro dzemunhu ari kuvabhadharira mari iyi vanofunga kuti dai vakatoenda kwamupfiganebwe kare.
VaJabulani Nyathi vane makore makumi matanhatu nemaviri ekuberekwa uye vave nemakore anoda kusvika makumi matatu vachirapwa nemuchina wedialysis.
VaNyathi mugari wemuBulawayo asi pane imwe nguva vakatombonogara muguta reHarare kuti varapwe sezvo muBulawayo maisave nechipatara chaive nemuchina we dialysis panguva iyoyo.
VaNyathi vanoti hururmende inofanirwa kuti zvipatara zvakawanda munyika zvive nemichina iyi uye vanokurudzirawo kuti hurumende iwone kuti mari inobhadharwa pakurapwa idzikiswe kunyanya muzvipatara zvehurumende.
Mukuru wezvirwere zvisingatapuriranwe mubazi rezvehutano, Dr Gibson Mhlanga, avo vataura vakamirira gurukota rezvehutano, Dr David Parirenyatwa, vati vachakwidza kuvakuru vakuru mubazi rezvehutano zvichemo zvataurwa nevamwe vane chirwere cheitsvo.
Dr Mhlanga vabvuma kuti hurumende yakatarisana nematambudziko akasiyana-siyana panyaya yezvirwere zveitsvo kusanganisira kushaya vanamazvikokota vakakwana. Pari zvino munyika munongove naana mazvikokota veitsvo vana chete.
Mumwe mazvikokota weitsvo, Dr Rumbidzai Dahwa, avo vange varipowo pachiitiko ichi, vati rimwe dambudziko guru munyika ndere kuti vanhu vakawanda havana ruzivo pamusoro pezvirwere zveitsvo vakati zuva reWorld Kidney Day rinobatsira kuti vanhu vawane ruzivo urwu.
Muzvare Rumbidzai Mashinge avo vanoshanda nesangano reKidney Association of Zimbabwe vanoti sangano ravo rakavambwa nevamwe vanhu vanorwara neitsvo kuti ribatsirewo vamwe vanhu vanorwarawo nechirwere ichi pamwe nekuedza kuti veruzhinji vave neruzivo rwakakwana.
Facebook Forum