Accessibility links

Breaking News

Global Fund Inopa Rubatsiro rweMari yeKurwisa Zvirwere


Dr David Parirenyatwa-gurukota rezvehutano (vari pakati)
Dr David Parirenyatwa-gurukota rezvehutano (vari pakati)

Hurumende yeZimbabwe yakawana mari inosvika mamiriyoni mazana mashanu nemaviri kubva kuhomwe yeGlobal Fund yekubatsira kurwisa zvirwere zvitatu zvinoti HIV/Aids, Tuberculosis neMalaria. Hurumende inoti mari iyi ichabatsira zvikuru mukurwisa zvirwere izvi nekusimudzira hutano.

Gurukota rezveutano, Doctor David Parirenyatwa vakati kubva muna 2002 zvatanga Zimbabwe kuwana mari kubva kuGlobal Fund, yashandisa mari inosvika bhiriyoni imwechete. Doctor Parirenyatwa vakati mari yakawanikwa neZimbabwe ichasimbisa zvikuru kurwiswa kwezvirwere zvitatu izvi.

Asiwo Doctor Parirenyatwa vakati kunyangwe zvazvo vari kuwana mari kumasangano akazvimiririra, shuviro yavo ndeyekuti hurumende ikwanise kupa bazi rezveutano mari yakawanda kuti rikwanise kufambisa mabasa.

Mukuru wekomiti yeParamende inoona nezveutano Doctor Ruth Labode vakati mari yakapiwa kubazi rezveutano mubhajeti ishoma zvakanyanya nekudaro vanotarisira kuti mari iyi icharerutsa mukufambiswa kwemabasa, zvikuru mukupedza HIV/AIDS, Malaria neTB.

Dr Labode vakaudzawo Studio 7 kuti vane chivimbo chekuti mari iyi ichashandiswa sezvinotarisirwa nesangano reGlobal Fund sezvo mari iyi ine mitemo inoita kuti isashandiswe nenzira dzisidzo.

Pamari yakapiwa Zimbabwe iyi, madhora mamiriyoni mazana mana nemakumi maviri ane nhanhatu emari iyi achashandiswa mukuderedza HIV/AIDS. Mukuru weGlobal Fund muZimbabwe VaMark Eddington vakatiwo sangano ravo rakazvipira kushanda pamwechete neZimbabwe munyaya dzekusimudzira hutano.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG