Accessibility links

Breaking News

Kudhura kweMishonga Kwotambura Vane Zvirwere zveHupenyu Hwese


Varwere vanotambudzwa nezvirwere zvehupenyu hwose vanoti havasi kukwanisa kutenga mishonga nekuti yave kutengeswa nemari yekunze yavasina.
Varwere vanotambudzwa nezvirwere zvehupenyu hwose vanoti havasi kukwanisa kutenga mishonga nekuti yave kutengeswa nemari yekunze yavasina.

Vamwe vanhu vanorarama nezvirwere zvehupenyu hwese vanoti havachanwi mishonga yavo mazuva ese sezvavanenge vaudzwa navanachiremba vavo, sezvo mishonga iyi yave kudhura uye yotengeswa nemari yemadhora ekuAmerica iyo vanoti havana.

Amai Lucia Moyo vane zviirwere zvinoti BP, Arthritis ne gout, uye vanosungirwa kutora mishonga iyi zuva nezuva. Asi Amai Moyo vanoti vakamboita mavhiki maviri vasinganwi mishonga iyi sezvo kuzvitoro zvinotengesa mishonga zvichida madhora ekuAmerica.

Amai Moyo vanotiwo vakazobatsirwawo neshamwari yavo sezvo mapiritsi avaimbotenga madhora maviri ave kuda madhora gumi ekuAmerica.

Amai Moyo, avo vanova mushandi wehurumende, vakaudza Studio 7 kuti hapana kwavanokwanisa kuwana mari yekunze iyi uye kunyangwe zvitoro izvi pazvinotambira mari yemaRTGS kana Bond, mitengo yemishonga iyi inenge yakwira zvakanyanya.

VaVictor Dube, avo vane zvirwere zveshuga neBP, vanotiwo kunyangwe hazvo vaimboshandisa Medical Aid iye zvino haichatengi mishonga iyi. VaDube vanoti hupenyu hwavaomera zvakanyanya sezvo mari yavanotambira ishoma zvikuru zvekuti havazowana mari yekunochinja vachiwana mari yekunze kuti vatenge mapiritsi mwedzi nemwedzi.

Mumwe chiremba, VaChrispen Ngwenya, vaudza Studio 7 kuti zvakakosha kuti vanhu vatore mishonga yavo nguva dzese sezvo kusatora mishonga iyi kuchiita kuti chirwere chikure.

Izvi zvatsigirwa nevaimbove gurukota rezvehutano, Doctor Henry Madzorera, avo vati nyika iri kuzvisikira ngozi sezvo kana zvirwere izvi zvakomba nekuda kwekusanwa mishonga zvinotarisirwa zvinozoda mari yakawandisa zvakare kuzvirapa.

Sachigaro wekomiti yedare reparamende inoona nezveutano, Amai Ruth Labode, vati vari kuzoongorora nyaya iyi uye vachashanyira kambani yehurumende yemushonga yeNatpharm neChipiri kuti vanyatsonzwisisa dambudziko remishonga.

Gurukota rezveutano VaObadiah Moyo vakaudzawo dare reparamende vhiki rapera kuti hazvina kuipa kuti vanachiremba nevezvitoro zvemishonga vatengese nemari yekuAmerica vachiti nyika iri kushandisawo mari iyi.

Asiwo VaMoyo vanotiwo vanotarisira kuti madhokotera nevezvitoro zvemishonga vatengesewo nemari yemaRTGS iyo inowanikwa neveruzhinji. VaMoyo vakatiwo hurumende iri mushishi yekuronga kuti kambani yehurumende yeNatpharm ipiwe zvikwanisiro zvinoita kuti iwane mishonga yese.

Zvitoro zvemishonga zvizhinji zvave kutengesa nemari yemadhora ekuAmerica uyewo vamwe vanachiremba kunyangwe kuvanhu vanoshandisa maMedical Aid vave kuti panosara chikwereti chinodawo kubhadharwa nemari yekunze.

Vezvitoro zvemishonga vanotiwo vari kutenga mishonga iyi kunze nemari yekuAmerica.

Nyaya ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG