Accessibility links

Breaking News

Dr Mayida Vokurudzira Hurongwa hweKutengwa kweNhomba Dzakawanda


Mushonga we Covid-19, unogadzirwa ne Pfizer-BioNTech

Gurukota rinoona nezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vaburitsa mashoko kuvatori venhau vachiti Zimbabwe iri kutarisira kuti iwane nhomba inosvika miriyoni imwe chete pamwedzi kuitira kuti ikwanise kubaya vanhu mamiriyoni gumi.

Nyanzvii munyaya dzezvehutano dziri kukurudzira kuti Zimbabwe ibaye nhomba vanhu vanosvika zvikamu makumi matanhatu kubva muzana izvo zvinozoita kuti chirwere cheCovid-19 chisapararire.

Zimbabwe pari zvino iri kushandisa nhomba dzakabva kuChina neIndia.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano uye vakambova mukuru wechipatara cheChitungwiza, Dr Enoch Mayida, vanoti zvakakosha kuti nhomba itengwe uye kuti vatungamiri venyika vatungamire mukubayiwawo zvinozobatsira kuti chirwere chisapararire.

Ngatinzweyi Dr Mayida vachitsanangura muhurukuro yavaita naBlessing Zulu weStudio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG