Accessibility links

Breaking News

Mudzimai Ane Gomarara Anoti Mishonga yeChivanhu Yamubatsira Kwenguva Ndefu


Mumwe mudzimai ane gomarara anoti mishonga yechivanhu yaari kushandisa yabatsira kwazvo kumuwedzera makore ekurarama.

Mumwe mudzimai ane chirwere chegomarara anoti ari kurarama hupenyu hwake aine tarisiro yeramangwana rakanaka, sezvo ari kushandisa mishonga yechivanhu yakarongeka pamwe nemishonga yaanopihwa navana chiremba, iyo anotenga muzvitoro zvemishonga.

Muzvare Netsai Dzinoreva vakasvitsa makore makumi mana nemaviri svondo rapera, izvo zvakange zvisingatarisirwe nehama dzavo.

Muzvare Dzinoreva vanoti vakarwara zvakaipisisa kwemwedzi inodarika mitanhatu, mushure mekunge chirwere chegomarara chapararira nemuviri wavo wose.

Muzvare Dzinoreva vanoti vakazowana rubatsiro kubva kune mumwe mukadzi akamboshandisa mishonga yechivanhu yakarongeka, pamwe nemishonga yaaipiwa nana chiremba, izvo zvakaita kuti vapore.

Vanoti pamusoro pemishonga yavainwa, vaidyawo chikafu chisina tsvigiri mukati, izvo zvinobatsira zvikuru kumunhu ane chirwere chegomarara.

Muzare Dzinoreva vanoti vava kukwanisa kufamba nekubikira mhuri yavo, izvo vanoti zviri kushamisa vanhu vakawanda, kusanganisira vemumhuri.

Muzvare Dzinoreva vanoti chiremba wavo akashamiswa kuvaona vachifamba apo vakaenda kunomuona mwedzi wapera.

Pari zvino vanoti vavariro yavo ndeyekuti vanhu vane chirwere chegomarara, vazivewo zvinogona kuvabatsira muhupenyu hwavo.

Mukoma waMuzvare Dzinoreva, Muzvare Mary Dzinoreva, vanoti vakanga vasisina tarisiro yokuti mwana waamai vavo aizorarama.

Doctor Chris Zimbizi, avo vakakura vese naMuzvare Dzinoreva kuRimuka kuKadoma, vanoti sokudzidza kwavakaita kuva chiremba, munhu anenge ava negomarara rinenge rapararira kudai, kashoma kuti ararame.

Amai Vimbai Zishumba vanoti mhuri yese yaiva yatomirira kufa kwaMuzvare Dzinoreva, asi vakazoshamiswa kuona murwere wavo achiita zvakanaka mushure mekunwa mishonga yechivanhu yakarongwa zvakanaka nenyanzvi, pamwe nemishonga yechizvino zvino.

Mumwe chiremba anova mazvikokota munyaya dzechirwere chegomarara, Dr Anna Mary Nyakabau, vanoti mamwe ma herbs anoshanda zvakanaka mukuvaka muviri wemurwere.

Asi mutungamiri weZimbabwe Traditional Healers Association, VaGeorge Kandiero, vanoti vana chiremba havade kubuda pachena nezvemishonga yechivanhu yakarongeka, nokuti vari pamakwikwi ekuita mari.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti chirwere chegomarara ndicho chave kuuraya vanhu zvakanyanyisa kudarika zvimwe zvirwere.

Chirwere ichi chinonzi chiri kubata vanhu vatsva vanodarika zviuru zvishanu pagore rega rega.

Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Auxillia Mnangagwa, vari kukurudzira kuti zvipatara zvose zvehurumende zvirape pasina muripo varwere vose vane gomarara.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG