Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chikumi 15, 2017…


Misoro yeNhau

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaChristopher Mushowe, vatadza zvekare kuuya kuparamende kuti vazotaura matanho ari kutorwa nehurumende pakugadzirisa mitemo inombunyikidza vatori venhau pamwe nekusunungura masai sai ematerevhizheni izvo zvatsamwisa masangano anomiriria vatori venhau munyika.

Vanhu vekuManicaland votadziswa kuita mabasa avo vachinzi vagadzirire kusvika kwaVaMugabe kumusangano uchaitirwa muSakubva mangwana.

Mugodhi weEldorado kuMashonaland West wopedza vanhu nekudhirika

Muchirongwa cheWomen’s Roundtable na8pm tiri kutarisa dambudziko rakatarisana nevanasikana vanoroodzwa vasati vabve zera

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG