Vagari vemuHarare votarisana nedambudziko rekumbovharirwa mvura nekanzuru.
Tine hurukuro nemuimbi Jah Prayzah uyo ari muAmerica maari kuridza magitare kekutanga.
Amai Hillary Clinton vopinda munhoroondo yeAmerica vachiva mudzimai wekutanga kusarudzwa kutungamira bato guru musarudzo dzemutungamiri wenyika.
Tichakupai nhau dzemitambo yemaOlympics uko chikwata cheZimbabwe chiri kuSao Paolo mugadziriro yacho.
Muchirongwa cheLivetalk na8.30 pm tiri kutarisa kuendeswa kudare kwevakarwa hondo uye nyaya yekuti remangwana renyika ringagadziriswe sei.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio 7, tibateyi na 7 pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 kilohertz pa Short Wave.