Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Muvhuro, Zvita 13, 2021  


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Bazi rezvehutano rinoti vanhu vatatu vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro zvasiya vafa nacho kubva zvachatanga kupararira munyika vave zviuru zvina nemazana manomwe nemakumi matatu nevasere, kana kuti 4, 738.

Mafuta ekufambisa dzimotokari oshaikwa nyika yose hurumende ichivimbisa kuti mangwana dambudziko iri rinenge ragadziriswa.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vovhura zviri pamutemo musika wemabhazi weKudzanai wakavandudzwa muGweru.

Mubatanidzwa wemamwe masangano anomirira varairidzi weFederation of Zimbabwe Educators Union, FOZEU, unoita musangano wekutsvaga nzira dzekugadzirisa nadzo matambudziko akatarisana nevarairidzi anosanganisira kunyoreswa kwebvunzo pamwe neCovid-19 muzvikoro.

Vanhu vokurudzirwa kuti vazive mutsauko weCovid-19 nedzihwa riri kubatawo vanhu vakawanda munyika.

Kunetsana pakati peZIFA neSports and Recreation Commission kwoenderera mberi zvopa kuti kugadzirira mitambo yeAfrica Nations kunetse.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa mhando itsva yeCovid-19 yeOmicron uye kubatwa nechirwere cheCovid-19 kwakaita mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG