Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yava neVanhu Vaviri Vabatwa Vaine Coronavirus


Dr Obadiah Moyo
Dr Obadiah Moyo

Hurumende inoti pave nevanhu vaviri vave nechirwere che Coronavirus munyika uye iri kukurudzira zvizvarwa zveZimbabwe kuti zvisaende kunyika dzine chirwere ichi.

Gurukota rezvehutano hutano, VaObediah Moyo, vazivisa kuti pave nemunhu wechipiri awanikwa aine chirwere cheCovid-19 muHarare zvichitevera kuzivisa kwavakaita nezuro manheru kuti paive nemumwe munhu akabva kuBritain akawanikwa aine chirwere ichi kuVictoria Falls.

VaMoyo vati munhu wechipiri uyu akange ashanyira kuAmerica.

Ziviso yaMoyo yabuda apo paine mashoko aswera achitenderera pamadandemutande pa social media zvichinzi pane vanhu vaviri vawanikwa vaine chirwere ichi muHarare.

Mukuru wesangano reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vakurudzira bazi rezvehutano pamwe nemamwe mapazi ehurumende kuti arongeke panyaya yekuburitsa kwaanoita mashoko nezvechirwere cheCoronavirus kuitira kuti vanhu vawane mashoko echokwadi.

Asi VaMoyo vati bazi ravo chete ndiro richange richiburitsa mashoko akanangana nevanhu vachawanikwa vaine chirwere ichi.

Vaimbova gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, VaHenry Modzorera, avo vanove zvakare munyori anoona nezvehutano muMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, vati hurumende inofanira kutsvaga mari yekunze yekutenga zvose zvinodiwa mukurwisa chirwere chapinda munyika.

VaMoyo vakurudzirawo zvizvarwa zveZimbabwe kuti zvimbomira kushanyira nyika dzine chirwere che coronavirus ichi.

Asi izvi zvashorwa nemutevedzeri wemutauriri weMDC, VaLuke Tamborinyoka, avo vati hurumende haina kumira pachokwadi pakurwisa chirwere ichi sezvo mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kuNamibia pari zvino ukuwo mutevedzeri wavo, Vaconstantino Chiwenga, vari kuChina idzo nyika dzose mbiri idzi dziine chirwere cheCovid-19.

Asi mutauriri weZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, vaudza Studio7 kuti mutungamiri wenyika pose paanofamba pane matanho ekuchengetedzeka kwake anenge atorwa vachiti haangofambe chete.

Zvichakadai, vamwe vagari vemuHarare vakaita saVaTakudzwa Pagara vati hurumende haisi kuvapa mashoko azere kubva kubazi rezvehutano maererano nezvechirwere ichi.

Mumwe mugari, Amai Barbra Pagara, vatiwo vatiwo kushayikwa kwemagetsi kuri kuvatadzisawo kuwana mashoko azere nezvechirwere ichi sezvo vasingakwanise kunzwa nhau panhepfenyuro kana nharembozha yavo isina moto. Vatiwo kushayikwa kwemvura nguva-nenguva kuri kukoknzera kuti vatadze kunyatsoita hutsanana zvakanaka sezviri kukurudzirwa nebazi rezvehutano.

Chirwere cheCovid-19, icho chakatangira muguta reWuhan kuChina, chinonzi nesangano reWorld Health Organization chauraya vanhu vanosvika zviuru gumi nezviviri, uye kubata vanhu vanodarika mazana maviri nemakumi masere ezviuru pasi rose.

America chete yava nevanhu vanodarika mazana maviri nemakumi manomwe vafa nechirwere ichi, uye vanhu vanosvika zviuru makumi maviri vabatwa nechirwere ichi, UKUWO China iine vanhu vafa vanosvika zviuru zvitatu nemazana maviri ane makumi mashanu nevashanu, Italy ichirasikirwawo nehupenyu hwevanhu xviuru xvina nemakumi matatu nevaviri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG