Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Voyambirwa Kusanwa Mvura yeMumigodhi kuBudiriro neGlen Norah


FILE - Cholera patients drink treated water inside an admission ward at Budiriro Polyclinic in Harare, Zimbabwe.
FILE - Cholera patients drink treated water inside an admission ward at Budiriro Polyclinic in Harare, Zimbabwe.

Kanzuru yeHarare iri kuyambira vagari vemumisha inogara veruzhinji yeBudiriro neGlen Norah kuti vasashandise mvura yemumighodhi kana matsime avari kuchera sezvo mvura iyi iine hutachiona.

Nekuda kwekushaikwa kwemvura yemupombi nguva zhinji, vagari vemunzvimbo dzakaita seGlen Norah neBudiriro, vari kushandisa mvura yemutsime.

Asi mutauriri wekanzuru, VaMichael Chideme, vanoti ongororo yavakaita kumusha weBudiriro neGlen Norah yakaratidza kuti migodhi mizhinji ine hutachionahuinokonzera zvirwere zvemanyoka zvakadai seTyphoid nemudumbu.

VaChideme vati migodhi mizhinji iri kushandiswa kunzvimbo idzi haina kudzika izvo zvinoita kuti mvura inoshandiswa iyi isangane nemvura dzetsvina dzemaseweji.

VaChideme vati kanzuru iri kuwanisa nzvimbo idzi mvura nguva yese.

Mukuru we Community Water Alliance, VaHardlife Mudzingwa, vashora kanzuru vakati kushaikwa kwemvura yekanzuru ndokuri kukonzera kuti vagari vacheremigodhi padzimba.

VaMudzingwa vatiwo dzimwe nzvimbo hadzisi kuwana mvura nguva dzese.

Vagari vazhinji muguta reHarare havawani mvura yekanzuru nguva dzese izvo zvoita kuti kumisha inogara vazhinji vanhu vachere migodhi kunyange hazvo zvisingabvumirwi nemitemo yekanzuru.

Vagari vanotiwo kunyange mvura yacho yekanzuru ine tsvina zvakanyanya vakati vanototyirawo hutano hwavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG