Sangano revagari vemuguta guru reHarare, reCombined Harare Residents Association kana kuti CHRA, rinoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka paGlen View Poly Clinic apo panonzi pane vakoti vashoma.
Mukuru wezvirongwa muCHRA, VaReuben Akili, vanoti paGlen View Polyclinic panobatsirwa madzimai anenge akazvitakura, uye vanhu vari kubayiwawo nhomba yeCovid-19 pachipatara ichi.
VaAkili vanoti chipatara ichi hachina mvura yekushandisa, izvo zvave kuisa hupenyu hwemadzimai akazvitakura panjodzi.
VaAkili vanoti matambudziko akatarisana neGlevn View Polyclinic akabuda pachena pamusangano wakaitirwa padandemutande nguva pfupi yapfuura uyo waizeya matambudziko ari kusangana nemadzimai munzvimbo iyi.
Musangano uyu wakanzwawo kuti vamwe varwere vave kuendeswa kuBudiriro 1 kuti vanorapwa. Kubudiro 1 kunonzi kwakamanikidzanawo zvekuti madzimai akazvitakura anogona kuguma atapurirwa chirwere ccheCovid-19.
CHRA inoti vanoona nezvekuburitswa kwemashoko mukanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vakati kanzuru ine vakoti vashoma sezvo vakawanda vari kuenda kunotsvaga mafuro manyoro.
Studio 7 yatumira mibvunzo kuna VaChideme asi vange vasati vapindura pataenda pamhepo.
Facebook Forum