Meya weguta reHarare, VaBernard Manyenyeni, vanoti vakakundikana kuita basa ravo nemazvo sameya weguta sezvo paive nekupindira kwaiitwa nehurumende yeZanu PF uko kwaibvongonyodza mashandiro ekanzuru yavo.
Vachionekana nevatori venhau neChishanu muHarare, VaManyenyeni vatiwo kushomeka kwemari yaipinda mukanzuru kwakadzorera shure mabasa ekanzuru yeHarare.
VaManyenyeni vakurudzira makanzura ari kuzopinda muhofisi mushure mekusarudzwa neMuvhuro kuti vagadzirise nyaya yemihoro yevashandi iyo vati iri pamusoro zvakanyanyisa.
VaManyenyeni vati ivo vakakundikana kuita izvi vachiti vakuru vehurumende vaisavatsigira panyaya iyi.
VaManyenyeni vatiwo kanzuru yakakundikana kugadzirisa migwagwa iyo isisina kumira zvakanaka nekuda kwezvikonzero zvakawanda.
VaManyenyeni vati ZINARA, iyo inobata mitero yedzimota, ikaenderera mberi nekushaisa makanzuru mari, zvichaita kuti makanzuru atsvakewo nzira dzekubhadharisa vedzimotokari.
VaManyenyeni, avo vasiri kukwikwidza musarudzo vatiwo guta reHarare rinodawo mamwe madhamu anouyisa mvura kuti dambudziko remvura rigadziriswe.
Mumwe mugari wemuHarare, VaGodknows Homwe,vati kunyange hazvo kanzuru yaikundikana kuita mabasa nemazvo, varumbidza VaManyenyeni avo vavati vaikoshesa vagari sezvo vaishandisa madandemutande akadai seFacebook neTwitter kunzwa zvichemo zvevagari.
Asiwo VaHomwe vati VaManyenyni vaifanirwa kugadzirisa dambudziko remihoro yevashandi vekanzuru iyo vati iri pamusorosoro.
Mumwe mugari wemuHarare, VaIan Mapura, vatiwo kunyange hazvo kanzuru yanga isiri kuwana mari zhinji kuvagari, vakakwanisawo kufambisa mamwe mabasa ekanzuru.
VaMapura vatiwo chakanyanyotadzwa nekanzuru yaVaManyenyeni kuwanisa vagari mvura yakachena.
Facebook Forum