Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare Yopa Matunhu Ayo Masimba


VaBernard Manyenyeni
VaBernard Manyenyeni

Kanzuru yeguta reHarare yapa masimba kumahofisi ayo ari mumatunhu ekuita mabasa akasiyana siyana akazvimiririra.

Meya veguta reHarare, VaBernard Manyenyeni, vaudza vatori venhau muHarare kuti izvi zvichaita kuti matambudziko evagari agadziriswe nechimbi-himbi.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau, VaManyenyeni vati kupa masimba kumahofisi avo akasiyana-siyana kunotarisirwa kuvandudza mabasa ekanzuru huye kuti vagari venzvimbo dzakasiyana–siyana vawane rubatsiro pedyo navo.

VaManyenyeni vati Harare yadimburwa muzvikamu zvisere huye chikamu chega chega chichange chichizvichengetera zvikamu makumi maviri nezvishanu kubva muzana zvemari inenge ichibhadharwa nevagari vemunzvimbo idzodzo kuitira kuti vashandise munyaya dzebudiriro.

Vatiwo vashandi vekanzuru vose vari kubhadharwa mari yakawandisa vachadzikisirwa mari dzavanotambira kuitira kuti kanzuru igone kuita mabasa ayo zvinogutsa vagari.

Vakafanobata chigaro chemunyori wekanzuru yeHarare, Amai Josephine Ncube, vati kanzuru iri zvekushandisa zvinokwanirana nedanho ravatora.

Mumwe mugari wemuHarare, VaNigel Kadhawu, vanoti vafarira danho ratorwa neguta. Asi vakakurudzira kuti dai mari ichapiwa zvikamu zvapatsanurwa izvi yawedzerwa.

Kanzuru yeHarare iri kuoneswa pfumvu nevagari avo vari kuipomera mhosva yekudya mari inobhadharwa nevagari asi pasina budiriro iri kuitwa.

Pari zvino guta reHarare riri kurwisana nechirwere cheTyphoid huye vagari vanoti kutadza kuchenesa guta kuri kuitwa nekanzuru, kutakura marara pamwe nekupa vagari mvura yakachena, ndizvo zviri kukonzera zvirwere zvemudumbu izvi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG