Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare Yofadzwa neKubhadharwa kweZvikwereti neVagari


Kanzuru yeHarare inoti iri kufadzwa nekubhadhara kwevagari mari inoita mamiriyoni gumi nemanomwe emadhora muna Gunyana.
Kanzuru yeHarare inoti iri kufadzwa nekubhadhara kwevagari mari inoita mamiriyoni gumi nemanomwe emadhora muna Gunyana.

Kanzuru yeguta reHarare inoti mumwedzi waGunyana yakakwanisa kuwana mari inoita mamiriyoni gumi nemanomwe emadhora kubva kumitero yakabhadharwa nevagari.

Kanzuru inoti haisati yakwanisa kuunganidza mari yakawanda kudaro kubva kumitero mukati memakore mana adarika.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vanoti vakakwanisa kuita izvi kuburikidza nechirongwa chavo chekuti vagari vanenge vakwanisa kubhadhara zvikwereti zvavo zvese mukati memazuva makumi makumi mapfumbamwe vanorasirwa zvikamu makumi mashanu kubva muzana zvezvikwereti zvavo.

Kanzuru yeHarare inonzi ine mari inodarika mamiriyoni mazana masere emadhora iri muvanhu, vemabhizimusi pamwe nehurumende, iyo inonzi nekanzuru yakabhadharwa inokwanisa kufambisa mabasa ose ainotarisirwa kunge ichiita.

VaChideme vanoti nemari yavakakwanisa kuwana iyi, kanzuru ichange ichikwanisawo kutenga mushonga wekuchenesa mvura kwemazuva makumi mana.

Vanoti nekuda kwekubhadhara kuri kuita vagari mitero yavo vanotarisira kuunganidza mari iri pakati pemamiriyoni makumi maviri emadhora nemamiriyoni makumi maviri nemashanu emadhora mumwedzi uno waGumiguru.

Hurukuro naVaMichael Chideme
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG