Kanzuru yeHarare ichishanda pamwe chete nemapurisa eZimbabwe Republic Police yabata vanhu vakavarairwa apo yapwanya misika pamwe nezvitoro zvidiki kana kuti ma tuckshop zvevanhu mumusha unogara veruzhinji weMbare, izvo zvaita kuti vanhu vakawanda vasare vasina chekubata.
Zvinonzi mapurisa anga akapakatira zvombo afumira kuvhara migwagwa yose inopinda mumusha weMbare achirambidza motokari dzose kupinda mumusha uyu uku, motokari dzanga dziine vashandi vekanzuru yeHarare, zvigiredha zvitatu pamwe nemapurisa anorwisa mvongamupopoto vakaita mudungwe kunopwanya misika pamwe nezvitoro zvevanhu mumusha weMbare.
Pasvika Studio 7 muMbare mushure mekumborambidzwa nemapurisa ayo anga achidzimisa vatori venhau mifananidzo yavanga vatora pamwe nekurova vamwe vanhu vanga vachitora mifananidzo yezvanga zvichiitika, misika mizhinji nezvitoro zvidiki kana kuti ma tuckshop zvinonzi zvakavakwa zviri kunze kwemutemo zvanga zvawira pasi kubva paMupedzanhamo kusvika pamusika mukuru unokwirirwa mabhazi weMbare Musika Bus Terminus.
Vanhu vakawanda vanoti varasikirwa nemidziyo yakawanda inosanganisira mbatya pamwe nechikafu zvavanga vachitengesa uye vamwe vanotiwo vabirwa mari mubesanwa ranga richiitika vanhu vachiedza kuchengetedza zvinhu zvavo izvo zvanga zvichifokorwa nezvigiredha zvanga zvakachengetedzwa nemapurisa.
Mumwe anga achirarama nekutengesa mbatya muMbare, VaPhineas Jeranyama, vati havachaziva kana pekutangira zvichitevera kupwanyirwa kwavaitwa misika yavo.
Amai Neria Ganizani, avo vanga vaine kachitoro kadiki kasiiwa zvinhu zvese zvave mumadhaka sezvo kuri kunaya, vati hupenyu huchavawomera sezvo pari ipo pavanga vakatarisira kuraramisa mhuri yavo.
VaCosmas Murambiwa vatiwo varwadziwa kuti kanzuru yakamboti vanhu ngavaite zvavo mabasa avo asi yazodzoka yovapwanyira zvitoro zvavo isina kuvazivisa kuti ndiro danho rayave kutora.
Mukuru wesangano revanorarama nekutengesa reVendors Initiative for Socio-Economic Transformation, VaSamuel Wadzai, vati varwadziwa zvikuru kuti kanzuru yeHarare yapwanyira vanhu misika pamwe nezvitoro zvavo isina mvumo kubva kumatare edzimhosva sezvinodiwa nemutemo.
Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vati vari pazororo vakati titaure nemutevedzeri wavo VaInnocent Ruwende avo vati havana zvavari kuziva nezvaitika muMbare nhasi sezvo vati vanga vari kumusha kwavo. Vakafanobata chigaro chaMeya weHarare, VaStewart Musarurwa Mutizwa vanga vasiri kudaira nharembozha yavo uye vanga vasati vapindura mibvunzo yatavatumira.
Vane ruzivo nezviri kuitika pakupwanywa kwaitwa misika nema tuck-shop muMbare vati kanzuru yakatumwa kuita izvi nevanoona nezvekufambiswa kwemabasa ebudiriro mudunhu re reHarare kana kuti provincial development coordinator weHarare, VaTafadzwa Muguti. VaMuguti vanga vasiri kudairawo zvakare nharembozha yavo kudzamara tiende pamhepo.
Gore rapera kanzuru pamwe nehurumende vakambomiswa nedare repamusoro kupwanyira vanhu zvivakwa zvavo zvinonzi hazvisi pamutemo mushure mekunge dare iri ratura kuti bumbiro remitemo haribvumidze chero ani zvake kupwanyira vanhu zvivakwa zvavo pasina mvumo kubva kumatare edzimhosva.
Facebook Forum