Accessibility links

Breaking News

Meya weHarare Oparura Gwaro Rinoburitsa Mamiriro Akaita Guta Iri


VaBernard Manyenyeni
VaBernard Manyenyeni

VaManyenyeni vanoti pane zvinhu zvakawanda zvinofanirwa kugadziriswa nekanzuru yavo kuitira kuti hupenyu hwevagari vemuguta iri huve nani.

Meya weguta reHarare, VaBernard Manyenyeni, vaparura neChipiri gwaro remamiriro akaita zvinhu muguta iri.

VaManyenyeni vanoti pane zvinhu zvakawanda zvinofanirwa kugadziriswa nekanzuru yavo kuitira kuti hupenyu hwevagari vemuguta iri huve nani.

VaManyenyeni vanoti shuwiro yavo ndeyekuti zvinhu zvigadzirike muguta iri kuitira kuti vagari vavimbike nekanzuru.

VaManyenyeni vanoti vachayedza kushandura mafambisirwo ari kuitwa zvinhu mukanzuru kusanganisira mafambisirwo emari dzinobhadharwa nevagari kuitira kuti guta re Harare richishandise mari zvine hungwaru.

"Zvakakosha kuti tigadzirise zvinhu mukanzuru kuitira kuti vanhu vabhadhare mari dzemitero vakafara kuitira kuti mabasa afambe zvakanaka muguta reHarare," Va Manyenyeni vaudza Studio7.

VaManyenyeni vaenderera mberi vachiti vachatarisa mihoro yevashandi vekanzuru vepamusoro kuti vawone kuti mari dzavanotambira dziri kuenderana here nemari dziri kutambirwa nevamwe vashandi vanoita mabasa aya kune dzimwe nzvimbo sezvo veruzhinji vari kushoropodza kanzuru vachiti iri kupa mari kuvashandi vepamusoro asi vane mabasa epasi vachinonga svosve nemuromo.

"Zvakakosha kuti mihoro yevashandi vedu vane zvinzvimbo zvepamusoro ienderane nevamwe vanoita mabasa aya kune mamwe makambani. Takambodzikisa mari dzinotambirwa nevamwe vashandi kuti zvienderane nemamiriro emunyika saka ticharamba tichiita izvi kusvika zvinhu zvagadzirisika," Va Manyenyeni vaudza Studio7.

Hurukuro NaVa Bernard Manyenyeni
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG