Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeGweru Yotambira Mitero Inobhadharwa paDandemutande


Guta reGweru
Guta reGweru

Vagari vemuguta reGweru vave kukwanisa kubhadhara mitero yavo nezvimwe zvakasiyana siyana kukanzuru yavo vachishandisa dandemutande repanharembozha dzavo.

Izvi zvinotevera kuparurwa nezuro kwakaitwa chirongwa che G-City mobile application muGweru nesangano reGweru Residents Forum rakabatana nekanzuru yeguta iri.

Chirongwa ichi chakaparurwa padandemutande senzira yekuti vanhu vasaungana sezviri kukurudzirwa nehurumende.

Vachitaura mushure mekuparurwa kwechirongwa ichi, mutauriri wekanzuru yeguta reGweru, Muzvare Vimbai Chingwaramusee, vakati kanzuru iri kufara zvikuru nedanho iri iro vakati richabatsira zvikuru.

Mukuru mukuru weGweru Residents Forum, VaCharles Mazorodze, vakati sangano ravo rakaita hurongwa uhu mushure mekunge rave rimwe remasangano matatu munyika akasarudzwa neboka rehurumende yeGermany rinobatsira munyaya dzebudiriro pasi rose, reGIZ kuti abatsirwe, pachirongwa chekushandisa hunyanzvi hwezvekufambiswa kwemashoko mukuvandudza hupenyu hwevanhu.

VaMazorodze vakati vakaona zvakakosha kuti pave nehurongwa hwakadai sezvo veruzhinji vave kushandisa madandemutande akaita seFacebook, WhatsApp nemamwe mukurarama kwavo zuva nezuva.

Mumwe mugari, Muzvare Jennifer Chimange, vakati vanotambira chirongwa ichi sezvo vagari vachikwanisa kubhadhara mitero vasina kupedza nguva yakakosha vachimira mumitsetse, kana kukwira mabhazi kuenda kumahofisi ekanzuru.

Meya weguta reGweru, VaJosiah Makombe, vakarumbidzawo chirongwa ichi vachiti chinoratidza kuti vagari vanogona kushanda zvakanaka pamwe nekanzuru mukuunza shanduko mumaguta nemumadhorobha.

Sachigaro weWomen’s Coalition of Zimbabwe mudunhu reMidlands, Muzvare Locadia Mavhudzi, vakati G-City mobile application muenzaniso wakanaka wekushandiswa kwehunyanzvi hwezvekufambiswa kwemashoko mukuita kuti hupenyu hweveruzhinji hureruke.

Asi Muzvare Mavhudzi, avo vanove mutori wenhau, vakati mutengo wekuti vanhu vaende paindaneti uchiri kudhurira veruzhinji munyika.

Asi G-City Mobile application inogona kushanda kunyange munhu asiri paindaneti uye zvaanenge aishandisira zvinogona kuzokwidzwa pahwaro uhu kana munhu ave pane masaisai.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG