Accessibility links

Breaking News

Dombo Rakaiswa paGukurahundi Memorial Center Rinobiwa


Gukurahundi Memorial Center
Gukurahundi Memorial Center

Sangano rakazvimirira rinoona nezverunyararo, reNational Transitional Justice Working Group, kana kuti NTJWG, rinoti komisheni inoona nezvekuregererana munyika, yeNational Peace and Reconciliation Commission, kana kuti NPRC, inofanira kuferefeta kuona kuti ndiyani akaputsa nekuba dombo rekurangarira vafi rakaiswa kuBhalagwe, Kezi, ku Matabeleland South, panzvimbo yakavigwa vamwe vanhu vakapondwa munguva yeGukurahundi kubva muna 1983 kusvika 1987.

Mauto eFifth Brigade akadzidziswa hondo neNorth Korea ndiwo akapomerwa mhosva yekuponda vanhu ava.Musi wa25 Chivabvu vanhu vekuKezi nesangano reIbhetshu Likazulu, vakabatana naIshe Fuyane, vakaisa dombo rekurangarira vakapondwa ava asi dombo iri rafuma rabiwa.

Vanhu vanosvika zviuru makumi maviri vanofungidzirwa kuti vakafa muhondo munguva yeGukurahundi iyo vaive mutungamiri wehurumende, mushakabvu Robert Mugabe, vakati yaive nguva yekupenga.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vaive gurukota revasori munguva iyi, vakati nyaya iyi inofanira kuzeyiwa pachena asi vanorwira kodzero dzevanhu vanoti hapana zvinobatika zvavaita kupodza maronda evanhu vekuMatabeleland neMidlands.

Hatina kukwanisa kubata sachigaro weNPRC, VaSelo Nare, sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Asi tabata vanoona nezvekufambiswa kwemabasa nemitemo muNational Transitional Justice Working Group, VaWilbert Mandinde.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG