Accessibility links

Gakava reGukurahundi Rotsviriridza muBulawayo

  • Taurai Shava

Byo Public Hearing

Nyaya yeGukurahundi yatsviriridza pamusangano waitwa neChipiri muBulawayo wekunzwa pfungwa dzevanhu pamusoro pebhiri rine chekuita nekupodzwa kwemaronda nerunyararo munyika, reNational Peace and Reconciliation Commission Bill.

Vanhu vakawanda vataura pamusangano uyu vashora bhiri iri vachiti haritauri zvakajeka pamusoro penyaya yeGukurahundi vachiti kana nyaya iyi isina kutaurwa pachena nezvayo, munyika hamufe makaita runyararo kana kuregererana kwechokwadi.

Mumwe weavo vapa pfungwa idzi, ndi Amai Sikhululekile Moyo, avo vati kune vamwe vanhu vatove vanhu vakuru asi havana magwaro ekuzvarwa kwavo nekuda kwekuti vabereki vavo vakauraiwa panguva yeGukurahundi.

Vaimbove mumiriri weMagwegwe mudare reparamende, VaFelix Mafa, avo vanove mutungamiri wesangano rePost Independence Survivors Trust, vati nyaya dzakadai sekuwana magwaro ekuzvarwa pamwe nekuvigwa zvakanaka kwevanhu dzinofanirwawo kujekeswa mubhiri iri.

Mumwe wechidiki ange aripo pamusangano uyu, Takunda Madzana, ati iye semunhu werudzi rwechiShona anogara muBulawayo zvinomurwadza kuti pane kuvengana pakati pemaShona nemaNdebele kwaanosangana nako achiti kuvengana uku kunogona kugadziriswa chete kana nyaya yeGukurahunbdi ikataurwa zvizere nezvayo.

Muzvare Esther Zitha mumwe wechidiki ange aripowo pamusangano uyu, atsinhirawo kuti zvakakosha kuti nyaya yeGukurahundi igadziriswe zvizere kuitira kuti kuvengana kana kufungirana zvisizvo, kupere pakatai pemarudzi munyika.

Reverend Sikhalo Cele, avo vanoshanda nesangano reEcumenical Church Leaders’ Forum, vatiwo bhiri iri rinonyanyokoshesa vanhu vanenge vakapara mhosva dzakadai sekuuraya kana kushungurudza vanhu, asi risingakoshesi vanhu vanenge vaitirwa mhosva idzi.

Vamwewo vapa pfungwa dzavo vashora bhiri iri vachiti haripe masimba akazara kukomishoni ichange ine chekuita nezvekupodza maronda nerunyararo uye rinopawo masimba kugurukota rezve mitemo.

VaTineyi Mukwewa vanoshanda nesangano reAbammeli Human Rights Lawyers Network ndemumwe weavo vapa pfungwa idzi vachiti gurukota rezvemutemo harifanirwe kuve nemasimba ekurambidza kuti vamwe vanhu vape humbowo kukomisheni.

Mutevedzeri wemukuru wesangano reCentre for Community Engagement, VaButler Tambo, vati bhiri iri rinofanirwa kuve rakajeka pakuti zvinobuda panenge paferefetwa nyaya nekomisheni iyi, zvichengetedzwe kuitira kuti zvizokwanisa kushandiswa mune ramangwana.

Pazoita zhowe zhowe pakunopera kwemusangano uyu vamwe vanhu vachipopota kuti vange vasina kupiwa mukana wakakwana wekutaura.

Asi musangano uyu wazopera zvakanaka mushure mekunge sachigaro wevadare veparamende, VaDamian Mumvuri, vapa mukana kuvanhu vange vachida kutaura ava.

Vadare veparamende vemumakomiti anosanganisira yezvekodzero dzevanhu vari kufamba munzvimbo dzakasiyana-siyana vachinzwa pfungwa dzevanhu pamusoro pebhiri iri.

Bhiri iri rakadzorerwa kudare reperamende mushure mekunge rarambwa nevanhu gore rakapera.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG