Accessibility links

Breaking News

Vadzidzi vepaGreat Zimbabwe University Vonyunyuta neKukwidzwa kweMutengo weChikafu


Vadzidzi vanoti ndiro yechikafu yave kuita madhora gumi kubva pamadhora mashanu, uye huwandu hwechikafu hwadzikiswa.
Vadzidzi vanoti ndiro yechikafu yave kuita madhora gumi kubva pamadhora mashanu, uye huwandu hwechikafu hwadzikiswa.

Vadzidzi vepachikoro chepamusorosoro che Great Zimbabwe University vochema-chema mushure mekukwidzirwa mitengo yechikafu chavanodya pachikoro nezvikamu zana kubva muzana, izvo vanoti zvichaita kuti vatakatike nenzara.

Vachitaura neStudio 7 vadzidzi vazhinji vanoti pamusoro pazvo Chikoro chakavazivisa kuti hachichakwanisi kuti vadye sadza nenyama nekuti yave kudhura, nekudaro vave nemazuva vachidya sadza nebhinzi, mukaka pamwe ne makabheji.

Chikoro chakawedzera mari iyi kubva pamadhora mashanu kusvika kumadhora gumi emari yemunyika pandiro yechikafu yoga yoga. Vadzidzi vanoti kazhinji vanodya katatu pazuva izvo zvave kuita kuti mari yechikafu pazuva isvike kumadhora makumi matatu.

Vadzidzi ava vanoti mari iyi yakavawandira sezvo vabereki vavo vasiri kukwidzirwawo mari dzemihoro uye vakaomerwawo nehupenyu semunhu wese munyika.

Mumwe mudzidzi ada kuzivikanwa nerekuti Bla Petso kuti asazoshungurudzwe nevakuru vechikoro, anoti huwandu hwechikafu mundiro hwakatoderedzwa kunyange vakakwidzirwa mutengo.

Vamwewo vana vechikoro vanoti nyaya yechikafu iyi ichakanganisa kudzidza kwavo sezvo mabhuku achinetsa kunzvera munhu kana achinge akarumwa nenzara.

Mumwewo mudzidzi ada kudanwa nekunzi Muzvare Sasha Blond, anoti vave kutodya kamwe pazuva nekuti mitengo iyi havaikwanisi.

Mutauriri we GZU, VaAnderson Chipatiso, vamanya kuramba kuti havasati vakwidza mitengo yechikafu, asi vati chikoro chavo hachina kusarawo nekuomwerwa nekukwira kuri kuita zvinhu munyika nekudaro vanogona kuzokwidzawo.

Asi vadzidzi vanoti chikafu chatokwidzwa kutanga nhasi uye vakatotanga kupuwa zvekudya zvishoma kutanga svondo rapfuura.

Mumwe mudzidzi aramba kudomwa nezita rake achityira kuzodzingwa chikoro, anoti mitengo yakatokwidzwa uye vakaziviswa nevanobika kuti havachadyi nenyama.

Mutungamiriri we sangano rinomirira vadzidzi pachikoro ichi, reStudent Executive Council (SEC), VaTakudzwa Ngadziore, varamba kutaura neStudio 7 vachiti vanotya kuzoshungurudzwa nevakuru vechikoro.

Ukuwo, vadzidzi vakawanda vari kuchema-chema kuti vamiriri vavo havasi kuita basa rekuvamiriria nemazvo vachiti vane rimwe nevakuru vechikoro.

Kukwidzwa kwemutengo wechikafu kunouya apo chikoro chakakwidza mari yekudzidza pakavhurwa kotoro yetatu ino, izvo zvakaomera vamwe vadzidzi vanoti vane zvikwereti zvakakura kuchikoro.

Zvikoro zvepamusorosoro zvakawanda munyika zvinonzi zviri kunetsekawo kupa vadzidzi chikafu chakakwana nenyaya yekukwira kuri kuramba kuchiita zvinhu munyika, apo hupfumi hwenyika huri kuramba huchienda kumawere.

Nyaya ina Gandri Maramba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG