Accessibility links

Breaking News

Hurongwa hweKuvandudza Bumbiro reMitemo Hokonzera Mutauro Mukuru


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Masangano anoshanda akazvimirira pamwe nebato reMDC vashora hurumende nehurongwa hwayo hwekuda kuvandudza bumbiro remitemo yenyika kuitira kuti bumbiro iri risabvumidze mutungamiri wenyika kukwikwidza musarudzo aine mumwe anomutsigira kana kuti running mate.

Izvi zvinotevera kubvumirana kwakaita dare remakurukota nemusi weChipiri kuti kuunzwe bhiri kudare reparamende richaita kuti mutungamiri wenyika asakwikwidze musarudzo aine mumwe anomutsigira parutivi kana kuti running mate.

Dare iri rakabvumirana kuti mutungamiri wenyika anenge asarudzwa neveruzhinji achazenge achidoma vatevedzeri vake vaviri mushure mesarudzo vatevedzeri ava vachizogadzwa nemukuru wevatongi vematare edzimhosva munyika kana kuti chief justice.

Mubatanidzwa wemasangano anoshanda akazvimirira weCrisis in Zimbabwe Coalitition unoti danho ratorwa nedare remakurukota ehurumende iri idanho rinodzosera nyika kumashure.

Mutauriri weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaMarvelous Khumalo, vaudza Studio 7 kuti zviri kuda kuitwa nehurumende izvi zvinopa masimba akawanda kumutungamiri wenyika.

Bepanhau reHerald raburitsa gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, vachiti kuti kana ma running mates akaramba arimo mubumbiro remitemo, zvinoita kuti masimba ave kuvanhu vakawanda.

Danho riri kuda kutorwa nehurumende iri rashorwa nebato reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa.

Munyori anoona nezvemitemo muMDC, VaInnocent Gonese, vati kuti pasave nema running mates zvine dambudziko rekuti ndiyani anozotora matomhu kana mutungamiri wenyika abva pachigaro.

Zvichakadai, VaKhumalo vati danho rehurumende iri kumhura veruzhinji vakavhotera kuti pave nebumbiro remitemo idzva iri muna 2013.

VaKhumalo vakurudzira veruzhinji kuti varatidze kuti zviri kuda kuitwa izvi nehurumende hazvina kunaka.

Rimwe gweta remuHarare, VaKudzayi Kadzere vati kuvandudzwa kuri kuda kuitwa bumbiro remitemo inzira yeZanu PF yekuedza kugadzirisa kusawirirana kunonzi kuri mubato iri.

Asi mutungamiri weZanu PF uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakaudza musangano wepagore webato ravo wakaitirwa kuGoromonzi mukupera kwesvondo kuti bato ravo rakabatana kunyange hazvo vakati pane vamwe vavasina kudoma nemazita vavanoti vari kuita gumbo mumba gumbo panze vachidyidzana nevavengi vavo.

Nyanzvi munyaya dzezvemitemo uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, avo vanove zvakare mutungamiri webato reNational Constitutional Assembly, vaudza Studio 7 parunhare kuti zviri kudiwa nedare remakurukota kuti zviitike, bhiri reConstitutinal Amendment of 2019 iri rinotofanira kutanga rapasiswa neparamende pamwe nedare reseneti mutungamiri wenyika vozoisa runyoro rwavo kuti bumbiro iri rigovandudzwa.

Bhiri riri kuda kuunzwa kuparamende iri iro riri kudaidzwa kuti Constitutional Amendement Bill of 2019 riri kudawo zvakare kuti mupurovhinzi yega-yega muve ne constituency imwe chete inosiirwa vechidiki pasi pe propotional representation uye kuwedzera nemakore gumi kusarudzwa kwemadzimai makumi matanhatu anopinda muparamende pasi pe proportional representation.

VaGonese vati sebato, havana dambudziko nezviri kurongwa panyaya yemadzimai nevechidiki.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG