Masangano matatu anorwira kodzero dzevasingaoni pamwe nevasinganzwe nekutaura akwirira hurumende pamwe nenhepfenyuro yeZBC kudare repamusoro achinyunyuta nekwaanoti kusavepo kwemashoko edzidziso pamusoro pechirwere cheCOVID-19 anonzwisiswa nevasingaoni pamwe nevasinganzwe nekutaura.
Masangano matatu aya, ayo anoti reCentre for Disability and Development, reDeaf Zimbabwe Trust pamwe nereZimbabwe National League of the Blind, anoti kodzero dzevanhu vane hurema dziri kutyorwa uye kuramba dzichityorwa nehurumende pamwe neZBC munguva yeCOVID-19.
Masangano aya anoti kuburikidza nekusavepo kwenzira dzinonzwisiswa nevanhu vane hurema hwakadai, vanhu ava vari kurasikirwa zvikuru munguva ino yakakosha yekuti munhu wese ave neruzivo pamusoro pechirwere ichi.
Vari mumapepa asvitswa kudare vanoti nhepfenyuro yeZimbabwe Broadcasting Corporation, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, gurukota rezvehutano, VaObadiah Moyo, pamwe negurukoat rezvekugara zvakanaka kwevanhu, VaPaul Mavima.
Masangano aya ari kumirirwa nemagweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights uye nyaya iyi iri kutarisirwa kunzwikwa nemutongi wedare reHigh Court, Justice Joseph Mafusire, neMuvhuro unouya.
Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende sezvo mubvunzo watatumira kuna Amai Mutsvangwa wanga usati wapindurwa pataenda pamhepo. Hatina kukwanisawo kunzwa divi reZ-B-C kuti tiznwe kana vatambira magwaro ekudare aya.
Asi mukuru wesangano re Deaf Zimbabwe Trust, Amai Barbra Nyangairi, vanoti ZBC inofanirwa kunge ichishandisawo nyanzvi dzemutauro wemaoko panguva dzose dzinenge dzichishambadzwa mashoko edzidziso, kuchitiwo hurumende vanoda kuti isimbise mukuona kuti mashoko pamusoro peCoronavirus afambiswa kune vanhu vose nenzira dzavanonzwisisa.
Facebook Forum