Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kuzivisa Nyika Huwandu hweVanhu Vari Kuwanikwa Vaine Omicron Variant


HEALTH-CORONAVIRUS/VACCINES
HEALTH-CORONAVIRUS/VACCINES

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti dziri kushushikana nekusabuda pachena kwehurumende pahuwandu hwevanhu vari kubatwa vaine mhando itsva yeCovid-19, yeOmicron Variant.

Kushushikana uku kunotevera kuzivisa kwayakaita hurumende svondo rapera kuti vanhu makumi mashanu vaive vabatwa nemando yeOmicron munyika asi haina kuzoramba ichizivisa nezvehuwandu uhu izvo zviri kuita kuti vamwe vati pane zviri kuvanzwa pamusoro penyaya iyi.

Nyanzvi munyaya dzehutano uye vari chiremba anoshandira mudunhu reNorth Carolina muAmerica, Dr Simbiso Ranga, vanoti zvakakosha kuti hurumende iite tsvakurudzo nekuzivisa huwandu hwevanhu vari kubatwa nemhando yeOmicron vachiti izvi zvinobatsira zvikuru pakurwisa chirwere cheCovid-19.

Dr Ranga vati kunyange hazvo zvichidhura kuti paitwe ongororo yekuziva kuti mhando yechirwere cheCovid iri kutekeshera munyika ndeipi, vati zvakakosha kuti hurumende iwane mari yekuve nezvikwanisiro zvekuita izvi.

Dr Norman Matara, avo vanove munyori mukuru wesangano reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, vatiwo matanho akatorwa nehurumende mushure mekuveko kwemhando yeOmicron ndeechimbi-chimbi uye haana humboo hwescience hunoratidza kuti anobatsira.

Vatiwo hurumende inodzoka yozvivhiringidza pachayo nekuramba ichiita zvimwe zvirongwa zvinoonekwa sezvinowedzera kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Mukuru wezvekudzivirirwa kwechirwere cheCovid-19 munyik, Dr Agnes Mahomva, vaudza Studio 7 kuti hurumende haisi kukwanisa kugara ichipa huwandu hwevanhu vabatwa nemhando yeOmicron munyika.

Asi vati vari mushishi kuongorora hutachiwana uhu kubva kumatunhu ose enyika vakati vachazivisa zvinenge zvawanikwa munguva pfupi inotevera.

Hurumende yakazivisa nezuro kuti vanhu vaviri vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vamwe vanhu zviuru zvina nemazana mapfumbamwe nemakumi mapfumbamwe nevatanhatu vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Izvi zvakasiya huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi hwasvika pazviuru zvina nemazana manomwe nemakumi maviri, 4 720, uye vabatwa munyika yose nechirwere ichi vavazviuru zana nemakumi mashanu nemazana matanhatu nemakumi maviri nevasere, 150 628.

Vanhu vabayiwa nhomba yepiri vakanga vava mamiriyoni maviri nezviuru mazana mapfumbamwe nemakumi maviri nezvitanhatu nezana nemakumi mana nemumwe chete, 2 926 141, uye vabayiwa nhomba yekutanga vari mamiriyoni matatu nezviuru mazana mapfumbamwe nezvinomwe nemazana masere nemakumi matanhatu, 3 907 860.

Huwandu uhu hunogona kukwira nhasi manheru apo hurumende ichazivisa zvayawana nhasi.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG