Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti Zimbabwe inofanirwa kusunga dzisimbe kuitira kuti munyika muve nemabasa kuitira kuti vose vari kupedza zvidzidzo vawane chekuita senzira yekusimudzira hupfumi hwenyika.
Mukuru weAffirmative Action Group mudunhu reMatabeleland, VaReginald Shoko, vanoti kubvira pavakapinda pachigaro ichi, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa varatidza chido chikuru chekugadzirisa hupfumi hwenyika.
Asi VaShoko vanoti zvakakosha kuti hurongwa hwavo huchikasika kushanduka kubva pakuve hwepamurormo chete huve hunobatika.
VaShoko vanotiwo kunze kwekuve nevemabhizimisi vekunze vanosima mari munyika, zvakakoshawo kuti pave nehwaro hwakajeka hunoita kuti zvizvarwa zvemuZimbabwe zviri kunze kwenyika zvikwanisewo kusima mari yazvo munyika pasina kutyira kuti mari iyi inogona kutsakatika.
Izvi zvinotsigirwawo naVaButler Tambo avo vanove muongorori wezvehupfumi anoshanda akazvimirira ega.
VaTambo vanoti zvakakosha kuti Zimbabwe ibhadhare zvikwereti zvainazvo kumabhanga epasi rose eInternational Monetary Fund neWorld Bank kuti igokwanisa kuwana mari inobatsira kumutsurudza hupfumi.
Asi vanotiwo zvakakoshawo kuti zvikwereti izvi zvitange zvanyatsowongororwa uyewo kuti kana nyika yawana imwe mari kubva kumabhanga aya ishandise mari iyi nenzira kwayo.
Mutungamiri wesangano reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, VaPeter Mutasa, vanoti vanotsinhira nyaya yekuti hupfumi hwenyika hungagadzirika chete kana nyaya dzematongerwo enyika dzatanga dzagadziriswa.
VaMutasa vanoti panofanirwa kuve nemuonera pamwe pakati pehurumende, vashandi nevashandirwi kuti zvinhu zvinyatsofamba.
VaMutasa vanoti Zimbabwe ine rombo rakanaka rekuve nyika ine zviwanikwa zvakasiyana-siyana kusanganisira zvirimwa zvinogona kushandiswa kubatsira kuti hupfumi hwenyika husimukire nekukasika kana zvikabatwa zvakanaka.
Pakuti chii chingaitwe kuti vechidiki vawane zvingavape pundutso muhupenyu hwavo kusanganisira dzidzo pamwe nemabasa, VaMutasa vanoti zvakakosha kuti nyika irase nyaya yehuwori uye idzokere pakukoshesa kudzidzisa vechidiki kuti humene-mene haubhadhare.
Mukuru weConfederation of Zimbabwe Industries, VaSifelani Jabangwe, vanoti kukura kwehupfumi hwenyika kuri kusimukira kubvira hurumende payakatora danho rekubatsira kumutsurudza makambani emuno nekumbomisa kupinzwa munyika kwezvimwe zvinhu zvinogadzirwa kunze kwenyika zvichizotengeswa muno.
Vanoti sangano ravo rine hwaro hunoratidza kuti makambani anokwanisa kuti amutsurudzwe uyewo vanotsinhira nyaya yekuti nyaya yekumutsurudzwa kwehupfumi inoda muonera pamwe.
Dzimwe nyanzvi dzinoti Zimbabwe inofanirwa kuita hurongwa hunokwezva vari kunze kwenyika kuitira kuti vadzoke kumusha kuzobatsira kusimudzira hupfumi hwenyika.
Nyanzvi idzi dzinoti Zimbabwe ine vanhu vanoziva mabasa akasiyana siyana vari kunze kwenyika vanokwanisa kukwezva kuti vadzoke kumusha.
Nyanzvi idzi dzinotiwo vanotengesa mumigwagwa vanofanirwa kuitirwa hurongwa hwakajeka, kuitira kuti vabhadharewo mitero kuhurumende, sezvo mitero inobviswa nevashandi pamwe nemakambani, iri iyo nzira unounganidza mari dzinofanirwa kushandiswa nehurumende.
Facebook Forum