Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokwidzwa kuMatare Zvichitevera Kuchinjwa kweMazita eMigwagwa muBulawayo


Kumbirai Mafunda from the Zimbabwe Lawyers for Human Rights says is hopeful that the high court will release the activists on bail, June 3, 2019.
Kumbirai Mafunda from the Zimbabwe Lawyers for Human Rights says is hopeful that the high court will release the activists on bail, June 3, 2019.

Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, ZLHR, rakwidza nyaya mudare repamusoro richikumbira kuti risendeke parutivi danho rehurumende rekuchinja mazita emimwe migwagwa muBulawayo.

ZLHR yakwidza mudare chikumbiro chekuti Statutory Instrument yekuchinja mazita emimwe migwagwa muBulawayo iyo yakashandiswa nehurumende mazuva mashoma apfuura isendekwe parutivi.

ZLHR iri kushanda basa iri yakamirira sangano re Bulawayo Progressive Residents Association, kana kuti BPRA.

Mutauriri weZLHR, VaKumbirai Mafunda, vari ichokwadi kuti vari kumirira sangano reBPRA.

Sachigaro wesangano reBPRA, VaAmbrose Sibindi, vati havafare nedanho rakatorwa nehurumende vachiti havawone rine musoro uye hurumende yakangotora danho iri isina kunzwa pfungwa dzeveruzhinji panyaya iyi.

Hurumende yakatora danho rekuti mazita emigwagwa yakasiyana siyana
mune mamwe maguta munyika kusanganisira Bulawayo, Gweru, Harare
neMasvingo achinjwe.

Taedza kunzwa kubva kugurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaJuly Moyo, asi nharembozha yavo yange isingabatike zvinove zvimwe chete zvange zvichiitika pataedza kubata mutevedzeri wavo Amai Marian Chombo.

Asi meya veguta reGweru VaJosiah Makombe avo vanovewo mukuru wesangano reUrban Councils Association of Zimbabwe vati mutemo weUrban Councils Act unopa masimba kumakanzuru emaguta nemadhorobha kuti ape mazita kumigwagwa.

Dzimwe nyanzvi munezvematongerwo enyika dzinoti zviri kuitwa
nehurumende kupedzera hoko padehwe reshindi sezvo pane zvakawanda
zvakakosha zvinoda kugadziriswa munyika munyaya dzezvehupfumi uye
pakuti makanzuru anyatsoita mabasa aanotarisirwa kuita nemazvo.

Mukuru wesangano reZLHR mudunhu reMatabeleland, Amai Nosimilo Chanaiwa, vatiwo magweta avo ari kuwira nechimwe chikumbiro chevamwe vagari vekuLuveve zvichitevera kufa uye kurwara kwevamwe vanhu munzvimbo iyi nekuda kwechirwere chemanyoka icho chinofungidzirwa kuti chakabva mukunwa mvura yakasviba.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG