Accessibility links

Breaking News

Vadzidzi Vanogara Muzvikoro Zvavanodzidza Vorambidzwa Kushanya Kana Kushanyirwa paZororo reKuwana Kuzvitonga kweZimbabwe


Musikana wechikoro

Hurumende yarambidza vadzidzi vanogara muzvikoro zvavanodzidza kushanya kana kushanyirwa pazororo rekuwana kuzvitonga kwenyika senzira yekudzvirira kupararira kwedenda reCovid-19.

Izvi zvakaziviswa negurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, avo vakati varairidzi nevadzidzi vese vemuzvikoro vanofanirwa kutevedzera chisungo chehurumende ichi sezvo chakanakira nyika yose.

Mutauriri webazi redzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro, vatsinhira mashoko Amai Mutsvangwa vachiti hakuna mubereki anobvumirwa kutora kana kushanyira mwana pazororo reIndependence.

Amai Mutsvangwa vakati nekuda kweongororo yakasimba yeCovid-19 iri kuitwa muzvikoro, kuputika kwedenda iri pachikoro cheScared Heart kuUmzingwane, kuMatabeleland South, kwakabatwa nechimbichimbi uye pavadzidzi mazana maviri nemakumi mana nevasere, nevarairidzi makumi matatu nevatatu, vakaongororwa, zana negumi nevanomwe vakawanikwa vaine chirwere cihi.

Vakati vese ava vakachengetdzwa pachikoro pamwe nekudzimba dzavo pachishandiswa zvisungo zveWorld Health Organisation nebazi rehutano zvekudzvirira kupararia kweCovid-19.

Zvichitevera danho rehurumende iri, zvimwe zvikoro zvange zvakaronga kuti vabereki vashanyire vana vavo kupera kwesvondo rino zvaendesa zuva iri mberi uyewo zvimwe zvaronga nzira dzekuti vabereki vaendese chikafu kuvana vavo muzvikoro izvi.

Mukuru wesangano rinomirira makomiti evabereki muzvikoro kana kuti maSchool Development Associations, VaBanny Manokore, vati vanotambira danho rehurumende vachiti denda reCovid-19 richiripo.

Munyori musangano remachiremba anorwira kodzero, Dr Norman Matara, vaudza Studio 7 kuti danho ratorwa nehurumende rakakosha chose mukudzivirira kupararira kweCovid-19.

Asi mutungamiriri werimwe remasangano anomirira varairidzi munyika, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaTakavafura Zhou, vaudza Studio 7 kuti zvekuti vadzidzi vasaenda kuzororo haiisi nyaya asi kuti vadzidzi, varairidzi nevashandi vemuzvikoro vavhenekwakuitirakuti vaonekwe kuti vane Covid-19 here kana kuti kwete.

Vatiwo hurumende inofanira kubuda pachena kuti mari inoita ZWL 740 million yainoti yakapa kuzvikoro kuti idzivirire Covid-19 yakaenda kupi nekuti haina kusvika muzvikoro.

Asi VaNdoro vaudza Studio 7 kuti bazi ravo riri kuepdza pese parinogona napo kutevedza zvisungo zveWHO neWorld Health Organisation zvekudzivirira Covid-19 muzvikoro.

Zvichakadai Amai Mutsvangwa vati huwanda hwevanhu vari kuenda kuzvipatara vachirwara neCovid-19 hwadzikira zvekuti zvimwe zvipatara zvakaita seParirenyatwa zvavevo kutambira vamwe varwere izvo zvange zvambomira.

Hurumende yakazivisa nezuro kuti huwandu hwevanhu vabatwa neCovid-19 munyika yose hwakanga hwava zviuru makumi matatu nezvinomwe nemazana matatu nemakumi matatu, 37 330, uye vanhu vakanga vapora kusvika mukupera kwezuva nezuro vakanga vava zviuru makumi matatu nezvina nemazana mapfumbamwe nemakumi matatu nevaviri, 34 932.

Vanhu vafa nechirwere ichi vainge vasvika pachiuru chimwe chete nemazana mashanu nemakumi mana nevatatu, 1 543, zvichitevera kufa kwemunhu mumwe chete nezuro wakare.

Hurumende yakazivisa zvakare kuti vanhu zviuru mazana maviri negumi nezvisere nemazana mashanu negumi nevatanhatu, 218 516, vainge vabayiwa nhomba yekutanga mukupera kwezuva nezuro.

Zimbabwe iri kubaya vanhu nhomba mbiri dzeku China, dzeSinopharm neSinovac, idzo dzinonzi hadzisati dzapihwa chitambi neWorld Health Organization kuti dzishandiswe kuruzhinji rwevanhu mukudzivirira chirwere cheCovid-19.

Zimbabwe iri kuwanawo nhomba kubva Russia ne India kuitira kuti ikwanise kubaya vanhu mamiriyoni gumi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG