Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yaita Musangano neVarairidzi


VaObert Masaraure
VaObert Masaraure

Masangano evarairidzi asangana nhasi nehurumende achizeya zvinofanirwa kuitwa zvikoro zvisati zvavhurwa.

Rimwe remasangano apinda mumusangano uyu, re Amalagmated Rural Teachers Union of Zimbabwe, rinoti rafara zvikuru kuti hurumende yagara pasi nevarairidzi vachionesana.

Mutungamiri wesangano iri, Va Obert Masaraure, vanoti musangano wavo wafamba zvakanaka chose, chasara kuona zvichaitwa nehurumende.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko mubazi redzidzo yepasi, Va Taungana Ndoro, sezvo vanga vasiri kubatika panhare mbozha yavo.

Asi VaMasaraure vati kana hurumende ikatadza kuzadzisa zvavakurukura nhasi, varairidzi havasi kudzokera kubasa kana zvikoro zvavhurwa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa pamire mamwe masangano evarairidzi anoti Progressive Teachers Union of Zimbabwe, Zimbabwe Teachers Associations nemamwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG