Accessibility links

Breaking News

Hurumunde Youkurudzira Varairidzi Kuti Vasaramwe Mabasa


ARTUZ Teachers Walk
ARTUZ Teachers Walk

Gurukota rinoona nezvevashandi, Amai Sekai Nzenza, vari kukurudzira kuti vadzidzisi vasaramwe mabasa asi kuti vauye kunhaurirano nebazi ravo.

Mashoko aya anotevera chiziviso chekuramwa mabasa chakapihwa hurumende nesangano rinomirira vadzidzisi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe.

Amai Nzenza vaudza Studio7 kuti zvakakosha kuti vadzidzisi vatange vaita nhaurirano nebazi ravo vasati vatanga kuramwa mabasa vachiti panorwa nzou, huswa ndihwo hunofa.

Vati vadzidzi vazhinji ndivo vanorasikirwa kana vadzidzisi vakaenderera mberi nehurongwa hwavo hwekuda kuramwa mabasa.

Amai Nzenza vakurudzira sangano reARTUZ nemamwe masangano anomirira vashandi vehurumende kuti vatange vashandisa gwara renhaurirano navo mushure mekunge ARTUZ yazivisa hurumende svondo rapera kuti nhengo dzayo dzichatanga kuramwa mabasa panokwana mazuva gumi nemana kana nhuna dzenhengo dzayo dzisina kugadziriswa.

Asi mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure, vaudza Studio7 kuti havasi kuzodzokera kumashure nehurongwa hwavo kudzamara hurumende yazadzisa zvido zvavo.

Amai Nzenza vati musangano pakati pevashandi, hurumende nevemabhizimusi weTripartite Negotiating Forum, ndiwo wavari kutarisira kuti uchapedza nyaya dzese dziri kunetsa vashandi.

ARTUZ inoti haisi kuda kuti iwedzerwe mari dzemihoro, asi kuti hurumendee ibhadhare varairidzi mari inoenderana nemazana mashanu emadhora ekuAmerica iyo yaipihwa varairidzi.

VaMasaraure vanoti pavanotambirwa mari dzavo, mari iyi inofanirwa kunge yakaenzana nemazana mashanu emadhora ekuAmerica nehuremu hunenge huchishandiswa musi uyu.

Zvichakadai, sangano rinomirira vashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions rinoti vashandi vanofanira kupihwa mari dzinoenderana nekuoma kwaita zvinhu munyika.

Mutungamiri weZCTU, VaPeter Mutasa, vakaudza vashandi pamhemberero dzezuva revashandi kuti vacharonga kuratidzira kwakakomba munguva pfupi iri kutevera kana hurumende ikaramba yakaisa zvimiti munzeve.

VaMutasa vakatiwo mushandi anotambira mari iri pasi anofanira kuwana mari inoita madhora mazana matanhatu emadhora ekuAmerica.

Vachitaura pamberi pezuva revashandi, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakakurudzira vashandirwi kuti vagadzirise mihoro yevashandi vakavimbisa vashandi kuti hurumende yavo ichachengetedza kodzero dzemushandi wese.

Izvi ndizvo ARTUZ neZCTU dziri kuti dzinoda kuona chido chiri kutaurwa nehurumende kana iri pachokwadi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG