Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inomiswa neMatare Kubvisa Vagari vekuChilonga Munzvimbo Dzavo


Centre for Natural Resource Governance director Farai Maguwu
Centre for Natural Resource Governance director Farai Maguwu

Sangano re Center for Natural Resource Governance rinoti riri kufara zvikuru nemutongo wedare uyo wamisa hurumende kubvisa vanhu veku Chiredzi munzvimbo dzavagere.

Sangano iri rakabatana nesangano reSouthern Africa Human Rights Defenders Network mukuendesa kumatare gurukota rezvematunhu, VaJuly Moyo pamwe neChiredzi Rural District Council richimisa hurumende kuti isabvise vagari vemunzvimbo yeChilonga.

Hurumende yakazivisa zviri pamutemo mwedzi wapera kuti vagari vanodarika zviuru gumi nezviviri, vari munzvimbo yeChilonga, vabve munzvimbo iyi, kuitira kuti kambani yeDendiary, ishandise minda iyi semafuro emombe dzayo dzemukaka.

Kambani yeDendairy yakavambwa nemhuri yekwaCoetzee muna 2004, pamwe neimwe kambani yekuEurope, Spear Capital, iine zvikamu makumi maviri nezvinomwe kubva muzana, kana kuti 27% zvehupfumi muDendairy, iyo yakatanga kushandira kuRedcliff mudunhu reMidlands.

Gore rapera, Dendiary yaive muhurukuro dzekubatana nekambani yeDairibord Holidings Limited, uye hurukuro idzi dzinonzi dzichiri kuenderera mberi.

Vakuru vakuru muDendairy vanosanganisira VaAndrew Bradnick, VaNeville Coetzee, Amai Cherly Coeztee naDarly Archibald.

VaCoetzee vanonzi murimi wechichena anowirirana zvikuru naVaMnangagwa.

Mukuru we Center for Natural Resource Governance, Va Farai Maguwu, vanoti vafara nemutongo wapihwa nedare.

VaMaguwu vanoti zviri pachena kuti hurumende iri kushandisa mitemo yehudzvanyiriri yaishandiswa munguva yeRhodesia mukutorera vanhu vatema nhaka yavo.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi sezvo gurukota rezvematunhu, VaMoyo vanga vasiri kubatika panharembozha yavo.

Mutevedzeri waVa Moyo, Amai Marian Chombo, vanga vasati vapindura mibvunzo yedu pataenda pamhepo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG