Accessibility links

Breaking News

Afrobarometer Inoti Hurumende yeMubatanidzwa Yakaderedza Hurombo muNyika


Imwe ongororo yakaitwa munyika dzemu Africa makumi matatu neina inoratidza kuti hurumende yemubatanidzwa muZimbabwe yakabatsira zvikuru mukudzikisa hurombo munyika.

Mumashoko ayakaburitsa neChipiri muJohannesburg kuSouth Africa, sangano re Afrobarometer rinoti Zimbabwe imwe yenyika shanu dzemu Africa dzine hurombo hwakadzikira.

Ongororo ye Afrobarometer yakaitwa pakati paGumiguru 2011 na Chikumi 2013. Sangano iri rinoti hurumende yemubatanidzwa yakakwanisa kuunza runyararo munyika, izvo zvakazoitawo kuti hurombo munyika hudzikire.

Vanhu vemuZimbabwe vakabvunzwa nesangano iri vakabvuma kuti munguva yehurumende yemubatanidzwa, zvinhu zvakatanga kureruka munyaya dzemvura, mishonga, pamwe nechikafu.

Chipangamazano che Afrobarometer, VaBoniface Dulani, vanoti zvinoshamisa kuona kuti hurumende yemubatanidzwa yakakwanisa kudzikisa hurombo panguva iyo nyika dzine hupfumi hwakasimba dzakaita se South Africa ne Botswana, dzakaona hurombo huchikwira munyika idzi munguva iyi.

Kunyange hazvo tsvagiridzo iyi yakaratidza kuti hurumende yanga ichitonga yakaderedza hurombo, vanhu zvikamu makumi maviri nechimwe kubva muzana vakabvunzurudzwa vanoti vakatarisana nehurombo muZimbabwe, uye zvikamu makumi maviri kubva muzana, vanoti vanonetsekana kuwana mishonga.
XS
SM
MD
LG